VaKorose 3:8 |
Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. |
|
VaKorose 4:6 |
Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai. |
|
VaEfeso 4:29 |
Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. |
|
VaEfeso 5:4 |
Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda. |
|
Ekisodho 20:7 |
“Usataure zita raTenzi, Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. |
|
James 1:26 |
Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. |
|
James 3:10 |
Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. |
|
James 3:5-12 |
[5] Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki.[6] Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena.[7] Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu.[8] Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu.[9] Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari.[10] Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro.[11] Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here?[12] Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka. |
|
Revhitiko 20:9 |
“Ani naani zvake anoti dai baba wake kana amai vake vawana chinovawana, ngaaurayiwe nokuti anenge achida kuti baba wake kana kuti amai vawirwe norushambwa. Rufu rwake ndorwokuzviparira. |
|
Ruka 6:28 |
Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai. |
|
Mateu 5:22 |
Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. |
|
1 Petro 3:10 |
“Uyo anoda upenyu, anoda kuwana upenyu hwakanaka, ngaazvidzore rurimi rwake kuuipi nomuromo wake urege kutaura nhema. |
|
Mateu 15:11 |
asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” |
|
Zvirevo 18:21 |
Rufu noupenyu zviri mumaoko orurimi vanoita ushamwari narwo vanowana mubayiro warwo. |
|
Mapisarema 109:17 |
Aifarira kurengerera rushambwa, rushambwa ngarumupfukire. Haana kufarira chikomborero saka ngachivewo kure naye. |
|
VaRoma 12:14 |
Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. |
|
2 Madzimambo 2:23-24 |
[23] Erisha akabvapo okwidza kuenda kuBhetieri. Paakanga ari munzira kuendako, vakomana vadikidiki vakabuda muguta vakamusveeredza vachiti, “Tibvire pano nyamhanza! Tibvire pano nyamhanza!”[24] Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo. |
|
Mateu 15:10-11 |
[10] Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make[11] asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” |
|
James 3:8-10 |
[8] Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu.[9] Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari.[10] Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. |
|
Mateu 15:18-20 |
[18] Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu.[19] Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe.[20] Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.” |
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |