Mabasa 8:1 |
Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. |
|
Mateu 5:44 |
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’ |
|
2 Timoti 3:12 |
Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa |
|
John 15:20 |
Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu. |
|
Zvakazarurwa 2:10 |
Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. |
|
VaRoma 8:35 |
Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here: |
|
Mateu 5:11 |
Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. |
|
VaRoma 12:14 |
Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. |
|
John 5:16 |
Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata. |
|
Mateu 5:10-12 |
[10] Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo.[11] Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu.[12] Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. |
|
2 VaKorinte 12:10 |
Nezvo pamusana paKristu, ndinofara noutera nokutukwa nezvinonetsa nokushushwa nenhamo nokuti kana ndiino utera ndipo pandine simba. |
|
Mabasa 13:50 |
Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. |
|
Mabasa 7:52 |
“Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. |
|
Mako 4:17 |
asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. |
|
VaGaratiya 4:29 |
Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. |
|
Mako 10:30 |
asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. |
|
Mateu 13:21 |
asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka. |
|
Mabasa 22:4 |
Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo |
|
Mateu 5:10 |
Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. |
|
VaGaratiya 6:12 |
Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. |
|
Ruka 21:12 |
Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. |
|
Mako 10:29-30 |
[29] Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka,[30] asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. |
|
VaRoma 8:35-37 |
[35] Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here:[36] sokunyorwa kwazvakaitwa, “Tiri kuurairwemi zuva rose, tinoonekwa sehwai dzokubaya?”[37] Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida |
|
Mabasa 11:19-21 |
[19] Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha.[20] Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu.[21] Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi. |
|
Mabasa ৯:৪-৫ |
[৪] Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?”[৫] Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. |
|
VaGaratiya 5:11 |
Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa. |
|
Mateu 10:23 |
Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. |
|
Mateu 5:12 |
Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. |
|
1 Timoti ১:১৩ |
Kunyange pakutanga ndakambomushonha ndikamutambudza ndikamutuka asi ndakaitirwa tsitsi nokuti ndakazviita mukusaziva nomukusatenda. |
|
Mateu 5:11-12 |
[11] Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu.[12] Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. |
|
Ruka 11:49 |
Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza |
|
1 VaTesaronika 3:3-4 |
[3] Uku kwakanga kuri kuti pasave nomumwe wenyu anodzokera shure nokuda kwamatambudziko iwaya. Imi pachenyu munoziva kuti iwoyu ndiwo mugove wedu[4] nokuti patanga tinemi, takanga takuudzai kuti, tichazotambudzika sokuitikawo kwazvakazoita, sokuzivawo kwamunoita. |
|
VaHebheru 11:36-38 |
[36] Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri.[37] Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa.[38] Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro nomapako enyika. |
|
John 15:20-21 |
[20] Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.[21] Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu nokuti akandituma havamuzivi. |
|
Mateu 10:21-23 |
[21] “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe[22] uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa.[23] Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. |
|
Mateu 24:8-10 |
[8] Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka.[9] Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu.[10] Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. |
|
Ruka 21:12-19 |
[12] Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu.[13] Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo.[14] Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei.[15] Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi.[16] Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu.[17] Muchavengwa navose pamusana pezita rangu.[18] Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika.[19] Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu. |
|
1 VaKorinte 4:8-13 |
[8] Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi.[9] Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu.[10] Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa.[11] Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha.[12] Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira.[13] Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose. |
|
VaHebheru 10:32-34 |
[32] Asi yeukai, mazuva akare kuti mushure mokunge mavhenekerwa mukatirira matambudziko akaomarara.[33] Dzimwe nguva maipinda mukutukwa nokutambudzwa pazere vanhu kana kubatanidzirwa navanenge vachiitirwa zvakadaro.[34] Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi. |
|
VaHebheru 11:33-38 |
[33] vakakurira umambo noumambo pamusana pechitendero vakamanikidzira kuti pave noruenzaniso; vakagamuchira zvakanga zvatsidzwa. Vazarira[34] miromo yeshumba vakadzima moto unoririma vapunyuka hondo yebakatwa vakawana simba muutera. Vakava nechivindi muhondo. Vakadzvamutsa hondo dzevechirudzi.[35] Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani.[36] Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri.[37] Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa.[38] Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro nomapako enyika. |
|
Mabasa 12:1-19 |
[1] Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano.[2] Akauraya Jemusi mukoma waJohani nebakatwa.[3] Paakaona kuti zvakafadza vaJudha akaenderera mberi nokusungawo Pita. Aya akanga ari mazuva echingwa chisina mbiriso.[4] Paakamubata akamuisa mujeri akamuisa mumaoko ezvikwata zvina zvamasoja kuti zvimuchengetedze achida kuzomuisa kuvanhu mushure mePasika.[5] Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari.[6] Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo.[7] Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi.[8] Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera.[9] Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo.[10] Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo.[11] Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha.[12] Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata.[13] Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani.[14] Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.”[15] Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake.[16] Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo.[17] Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.[18] Pakwakaedza rakave besanwa pakati pamasoja kuti chii chakanga chaitika kuna Pita.[19] Herodhi paakamutsvaka akamushaya. Akabvunzisisa varindi akati, “Vanofanira kuurawa.” Herodhi akadzika kuSezaria achibva Judhea akagarako. |
|
Mabasa 9:1-14 |
[1] Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru,[2] akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa.[3] Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera.[4] Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?”[5] Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza.[6] Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.”[7] Varume vaaifamba navo zvakavashaisa romuromo. Vainzwa izvi asi pasina wavari kuona.[8] Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi.[9] Akaita mazuva matatu asingaoni asingadyi kana kunwa.[10] Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.”[11] Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata[12] uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.”[13] Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu.[14] Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.” |
|
VaGaratiya १:१३ |
Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. |
|
Zvakazarurwa 2:8-10 |
[8] “Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka.[9] Nhamo dzako ndinodziziva nourombo hwako ndinouziva; asi iwe uri mupfumi zvako uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri, chavari chaicho isangano raSatani.[10] Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. |
|
Mabasa 26:9-11 |
[9] “Iniwo pachangu ndaiva nechokwadi chaicho kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokurwisa zita raJesu weNazareti.[10] Izvi ndakazviita muJerusaremu. Handina kungozaririra vazhinji vavasarudzwi vaMwari mumajeri ndichishandisa simba randakapiwa navapristi vakuru asi kuti pavaiuraiwa ndairatidza kuwirirana navo.[11] Ndakavaranga kakawanda mumasinagogu ose uye ndakaedza kuti vashonhe Mwari. Ndaivatambudza ndiine hasha dzisingatauriki kusvika kumaguta okunze kwenyika. |
|
1 VaKorinte 4:12 |
Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. |
|
Mabasa 12:1 |
Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano. |
|
VaFiripi 3:6 |
Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa. |
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |