VaHebheru 10:24-25 |
[24] Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka.[25] Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika. |
|
Mateu 18:20 |
Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.” |
|
VaKorose 3:16 |
Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu. |
|
VaEfeso 4:11-13 |
[11] Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi[12] kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe[13] kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. |
|
Mabasa 2:42 |
Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata. |
|
VaRoma 10:17 |
Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ” |
|
Mateu 16:18 |
Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. |
|
Mabasa 9:31-32 |
[31] Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi.[32] Zvino Pita zvaaifamba — famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. |
|
Mateu 6:33 |
Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu. |
|
James 1:22 |
Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza |
|
2 Timoti 4:2 |
Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. |
|
Mateu 28:19-20 |
[19] Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene[20] muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.” |
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |