Mapisarema 144:14 |
Mombe dzedu ngadzive navana vakawanda, pasina isingabereki kana inosvodza. Parege kuva nokuungudza mumigwagwa yedu. |
|
Nehemia 8:1 |
Vanhu vose vakazoungana vaine chinangwa chimwe munhandare pamberi pesuo guru rokuMvura. Vakataurira Ezira nyanzvi yomutemo kuti aunze bhuku romutemo waMosesi wakanga wapiwa kuvaIsiraeri naTenzi. |
|
Isaya 24:11 |
Rave jemedzanwa mumigwagwa, pamusana pokushaya waini mafaro ose asvika kumapeto kwawo, rufaro rwapanyika rwarambidzwa. |
|
Jeremiya 14:2 |
“Nyika yeJudha iri mukuchema nhamo magutawo ayo ari kugurukuta, vanhu vayo vachiungudza vakati pasi rakata uye mhere yeJerusaremu yanzwika. |
|
Zvirevo 23:29 |
Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso? |
|
VaFiripi 4:6-7 |
[6] Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda.[7] Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. |
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |