Dhanyeri 11:31 |
“Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa. |
|
Dhanyeri 12:11 |
“Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe. |
|
Dheuteronomio 22:5 |
Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi. |
|
Dheuteronomio 23:18 |
Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu. |
|
Dheuteronomio 24:4 |
ipapo murume wake wokutanga, akambomuramba, haabvumirwi kumuwana zvakare mushure mokunge asvibiswa. Izvozvo zvinonyangadza pamberi paJehovha. Musauyisa chivi pamusoro penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka. |
|
Isaya 1:13 |
Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa. |
|
Revhitiko 7:18 |
Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho. |
|
Revhitiko 18:22 |
“ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza. |
|
Zvirevo 11:1 |
Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza. |
|
Zvirevo 11:20 |
Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa. |
|
Zvirevo 12:22 |
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. |
|
Zvirevo 15:8 |
Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza. |
|
Zvirevo 15:26 |
Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza. |
|
Zvirevo 16:5 |
Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. |
|
Zvirevo 17:15 |
Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose. |
|
Zvirevo 20:10 |
Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose. |
|
Zvirevo 20:23 |
Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi. |
|
Zvirevo 28:9 |
Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza. |
|
Zvakazarurwa 21:27 |
Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana. |
|
Mako 13:14 |
“Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. |
|
Mateu 24:15 |
“Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise, |
|
VaRoma 1:26-27 |
[26] Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.[27] Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. |
|
Revhitiko 20:12-13 |
[12] “ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.[13] “ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. |
|
Zvirevo 6:16-20 |
[16] Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:[17] meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,[18] mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,[19] chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.[20] Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. |
|
Shona Bible (BDSC) 2005 |
Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.® |