A A A A A

Zvivi: [Shanje]


1 VaKorinte 13:4
Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi;

VaGaratiya 5:26
tirege kuɀikudza, ticimutsana mŋoyo, ticigoɗorana.

James 3:14-16
[14] Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema.[15] Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa.[16] Nokuti panegoɗo norukaʋe, ndi’po panenyoŋganiso namaɓasa ose akaipa.

VaRoma 1:29
ʋakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruciʋa, nokuʋeŋga; ʋakazara negoɗo, nokuʋuraya, norukaʋe, nokunyeŋgera, necinya; ʋanhu ʋanoita zeʋe‐zeʋe,

1 Petro 2:1
Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose,

VaGaratiya 5:19-21
[19] Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere,[20] nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,[21] nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari.

Tito 3:3
Nokuti nesu ʋo kare taiʋa ʋokusafuŋga, tisiŋgatereri, takarashika, tiri ʋaranda ʋokuciʋa kuzhinji naʋeɀose ɀinofadza, tigere mukati mokushata negoɗo, ticiʋeŋgwa, ticiʋeŋgana.

1 Timoti 6:4
unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa,

James 3:14-16
[14] Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema.[15] Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa.[16] Nokuti panegoɗo norukaʋe, ndi’po panenyoŋganiso namaɓasa ose akaipa.

1 Petro 2:1-2
[1] Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose,[2] saʋacece ʋacaŋgoɓerekwa, paŋgai mukaka womŋeya, usina‐kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;

VaFiripi 1:15
Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka;

1 Timoti 6:4-5
[4] unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa,[5] nokukakaʋadzana kusiŋgaperi kwaʋanhu ʋanomuraŋgariro wakaʋodzwa, ʋakatorerwa ɀokwaɗi, ʋaciti kunamata Mŋari ndiɀo ɀinofumisa.

VaRoma 1:28-32
[28] Seɀaʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kugara ʋaciziʋa Mŋari, Mŋari akaʋaisa kumuraŋgariro wakarashika, kuti ʋaite ɀisakafanira;[29] ʋakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruciʋa, nokuʋeŋga; ʋakazara negoɗo, nokuʋuraya, norukaʋe, nokunyeŋgera, necinya; ʋanhu ʋanoita zeʋe‐zeʋe,[30] naʋaceri, naʋanoʋeŋga Mŋari, naʋanoɗaɗa, naʋanoɀikudza, naʋanoɀirumbidza, naʋaʋambi ʋeɀakaipa, naʋasiŋgatereri ʋaɓereki,[31] namapenzi, naʋanoputsa suŋgano, naʋasinoruɗo kwarwo, ʋasineŋgoni.[32] Aʋo, kunyaŋge ʋaciziʋa haʋo cireʋo caMŋari, kuti ʋanoita ɀakaɗai ʋakafanirwa norufu, haʋaiti iɀo ɓedzi, asi ʋanotenderana naʋanoɀiita.

VaGaratiya 5:19-26
[19] Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere,[20] nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,[21] nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari.[22] Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka,[23] noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai.[24] Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo.[25] Kana ticirarama noMŋeya, ŋgatifambe ʋo noMŋeya,[26] tirege kuɀikudza, ticimutsana mŋoyo, ticigoɗorana.

James 3:14-15
[14] Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema.[15] Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa.

Zvirevo 14:30
Mŋoyo wakagadzikana ndibgo ʋupenyu bgomuʋiri; Asi goɗo rinoʋodza mafupa.

Jobho 5:2
Nokuti kutsamŋa kunoʋuraya ɓenzi, Ʋuye shuŋgu dzinoparadza usineziʋo.

Muparidzi 4:4
Ɀino ndakaʋona kuɓata kwose noʋumhizha bgose pakuɓata, kuti munhu unoʋeŋgwa nowokwake pamsoro paɀo. Naiɀoɀo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.

Zvirevo 3:31
Usagoɗora munhu unomanikidza; Usateʋera kunyaŋge nomumŋe wemitoʋo yake.

Zvirevo 23:17
Mŋoyo wako ŋgaurege kugoɗora ʋatadzi; Asi utye Jehova mazuʋa ose.

Zvirevo 24:1
Usagoɗora ʋanhu ʋakaipa; Usashuʋa kuʋa pakati paʋo.

Jobho 5:2-3
[2] Nokuti kutsamŋa kunoʋuraya ɓenzi, Ʋuye shuŋgu dzinoparadza usineziʋo.[3] Ndakaʋona ɓenzi riciita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nɀimbo yaro.

Zvirevo 27:4
Hasha dzinokuʋadza, ʋuye kutsamŋa kunokukura; Asi ndiani uŋgamira pamberi pegoɗo.

1 VaKorinte 3:3
Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here?

VaRoma 13:13
Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo.

Mateu 27:18
Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo.

Mabasa 13:45
Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciʋona ʋanhu ʋazhinji, ʋakazara negoɗo, ʋakaramba ɀakarebga naPauro, ʋacimhura Mŋari.

Mapisarema 37:1
Pisarema raDavidi. Usaʋa neshuŋgu nokuɗa kwaʋanoita ɀakaipa, Usagoɗora ʋanoita ɀisina‐kururama.

Mabasa 7:9
Mateteguru ɀaakaŋga acigoɗora Josefa, ʋakamuteŋgesa, akaiswa Egipita; Mŋari akaʋa naye.

Mako 15:10
Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋaprista ʋakuru ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo.

Mabasa 17:5
Asi ʋaJuda ʋaiʋa negoɗo, ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋakaipa, dzaiʋa simbe, ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakakaŋganisa guta; ʋakawira imba yaJasoni, ʋaciɗa kuʋaɓuɗisira kuʋanhu.

James 4:5
Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu uno ti shuʋa negoɗo?

Genesisi 26:14
wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora.

John 8:32
Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai.

Mapisarema 73:3
Nokuti ndakaŋga ndicigoɗora ʋanamanyawi, Pakuʋona kwaŋgu kufara kwaʋakaipa.

Isaya 26:11
Jehova, ruʋoko rwenyu rwakasimudzwa, asi haʋaʋoni; asi ʋacaʋona kushiŋgaira kwenyu pamsoro paʋanhu, ʋakanyadziswa; ɀirokwaɀo mŋoto ucapedza ʋaʋeŋgi ʋenyu.

Ezekieri 35:11
naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaita ɀakafanira kutsamŋa kwako, ʋuye ɀakafanira goɗo rako rawakaʋaitira nokuʋeŋga kwako; ɀino ini ndicaɀiziʋisa pakati paʋo, kana ndicikutoŋga iwe.

Ekisodho 20:17
Usaciʋa imba yowokwako, usaciʋa mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mboŋgoro yake, kana cimŋe cowokwako.

1 Timoti 3:15
ɀino kana ndikanonoka, ndinoɗa kuti uziʋe kuti ʋanhu ʋanofanira kufamba sei mumba maMŋari, iyo kereke yaMŋari mupenyu, mbiru necitsigiro ceɀokwaɗi.

Esteri 5:13
Asi iɀo ɀose haɀindiɓetseri cinhu, kana ndicigara ndiciʋona Mordekai muJuda agere pasuʋo ramambo.

VaGaratiya 5:1
Kristu wakatisunuŋgura kuti tiʋe ʋakasunuŋguka; naiɀoɀo mirai nesimba, murege kusuŋgwa ɀe nejoko roʋuranda.

Judha 1:24
Ɀino kunaiye unogona kukuceŋgetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubginya kwake musinacamuŋgapomerwa, mucifara kwaɀo,

Mapisarema 73:17-20
[17] Kuȿikira ndapinda panɀimbo tȿene yaMŋari, Ndikatarira kuguma kwaʋo.[18] Ɀirokwaɀo munoʋaisa panotedza; Munoʋawisira pasi kuti ʋaparadzwe.[19] Haiwa, ʋanoparadzwa kamŋe‐kamŋe! Ʋanopedzwa cose neɀinotyisa.[20] Seɀakarotwa, kana munhu apepuka; Saiɀoɀo, Ishe, mucashoʋora mufananidzo waʋo, kana mucimuka.

Genesisi 31:1
Ɀino wakanzwa mashoko aʋanakomana ʋaRabani, ʋaciti: Jakobo watora ɀose ɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu; waɀiwanira fuma yose iyi kuneɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu.

Numeri 16:3
ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni, ʋakati kwaʋari: Ɀariŋgana, nokuti ʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano ʋatȿene, mumŋe nomumŋe waʋo; Jehova uri pakati paʋo; imi munoɀikudzireiko pamakurukota aJehova?

Mapisarema 106:16
Ʋakagoɗora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutȿene waJehova.

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018