VaKorose 3:8 |
Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. |
|
VaKorose 4:6 |
Kutaura kwenyu ŋgakuʋe nenyasha ŋguʋa dzose, kwakaruŋgwa nomunyu, kuti muziʋe kupindura mumŋe nomumŋe seɀamunofanira kuita. |
|
VaEfeso 4:29 |
Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa. |
|
VaEfeso 5:4 |
neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga. |
|
Ekisodho 20:7 |
Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina. |
|
James 1:26 |
Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo. |
|
James 3:10 |
mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. |
|
James 3:5-12 |
[5] Saiɀoɀo ʋo rurimi mutezo muɗuku, runoɀirumbidza ɀikuru. Tarirai, mŋoto muɗuku unotuŋgidza huni zhinji sei![6] Rurimi mŋoto, rwakaita se nyika izere neɀisakarurama; ndiɀo ɀakaita rurimi pakati pemitezo yeɗu, runoȿiɓisa muʋiri wose, runotuŋgidza nzira yose yoʋupenyu, runotuŋgidzwa irwo neGehena.[7] Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu;[8] asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya.[9] Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari;[10] mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro.[11] Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here?[12] Hama dzaŋgu, muʋonde uŋgaɓereka maorivi, kana muzambiriŋga maʋonde here? Kunyaŋge nemvura inoʋaʋa haiŋgaɓuɗisi inonaka. |
|
Revhitiko 20:9 |
Nokuti mumŋe nomumŋe unotuka ɓaɓa ʋake, kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; munhu wakatuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, mhoȿa yeropa rake icaʋa pamsoro pake. |
|
Ruka 6:28 |
Ropafadzai ʋanokutukai, munyeŋgeterere ʋanokumhurai. |
|
Mateu 5:22 |
asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto. |
|
1 Petro 3:10 |
Nokuti, Uyo, unoɗa ʋupenyu, Nokuʋona mazuʋa akanaka, Ŋgaadzore rurimi rwake paneɀakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura ɀinonyeŋgera. |
|
Mateu 15:11 |
Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. |
|
Zvirevo 18:21 |
Rurimi runesimba pamsoro porufu noʋupenyu; Ʋanoruɗa ʋacadya ɀiɓereko ɀarwo. |
|
Mapisarema 109:17 |
Ɀirokwaɀo, kutuka ndiɀo ɀaakaɗa, ɀikaʋuya ʋo kwaari; Kukomborera haana‐kukufarira kukagara kure naye. |
|
VaRoma 12:14 |
Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. |
|
2 Madzimambo 2:23-24 |
[23] Ɀino wakabva’po, akaenda Beti‐eri; akati acikwira nenzira, ɀikomana ɀikaɓuɗa muguta, ɀikamuseka, ɀikati kwaari: Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira![24] Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo. |
|
Mateu 15:10-11 |
[10] Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise:[11] Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. |
|
James 3:8-10 |
[8] asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya.[9] Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari;[10] mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. |
|
Mateu 15:18-20 |
[18] Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu.[19] Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari;[20] ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |