Zvakazarurwa 13:18 |
Ndipo panokucenjera. Unoziʋa, ŋgaaʋereŋge ciʋereŋgo cecikara; nokuti ciʋereŋgo ndecomunhu; ciʋereŋgo caco ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu. |
|
Dheuteronomio 6:4 |
Cinzwa Israeri, Jehova Mŋari weɗu ndiJehova mumŋe cete. |
|
Revhitiko 20:13 |
Kana munhu akaʋata nomurume seɀinoitwa nomukadzi, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaita ɀinonyaŋgadza, ʋose ʋanofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo. |
|
1 VaKorinte 6:9-11 |
[9] Ko hamuziʋi kuti ʋasakarurama haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari here? Musarashika; nokuti mhombge, kana ʋanonamata ɀifananidzo, kana ʋanofeʋa, kana ʋakapata, kana ʋanoita ɀakaipa naʋarume,[10] kana mbava, kana ʋanoruciʋa, kana ʋanosinwa ɗoro, kana ʋatuki, kana makororo, haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari.[11] Ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋakaɗaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa ʋatȿene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMŋeya waMŋari weɗu. |
|
Zvakazarurwa 11:2-3 |
[2] Asi siya ruʋazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa ʋahedeni; ʋacatsika guta dɀene mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri.[3] ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu. |
|
Revhitiko 20:27 |
Murume kana mukadzi unoȿikirwa, kana uri muʋuki, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanofanira kutakwa namabge; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo. |
|
Dheuteronomio 18:10-12 |
[10] Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto, kana unoʋuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazaŋgo, kana muroyi,[11] kana ŋaŋga, kana unobvunza maȿikiro, kana muʋuki, kana unobvunza ʋakafa.[12] Nokuti ʋose ʋanoita ɀinhu iɀi ʋanonyaŋgadza Jehova; nokuɗa kweɀinonyaŋgadza iɀi Jehova Mŋari wako unoʋadziŋga pamberi pako. |
|
2 Madzimambo 21:6 |
Akapinza mŋanakomana wake mumŋoto, akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo. |
|
Mika 5:12 |
Ndicaparadza ʋuroyi pamaʋoko enyu, hamuŋgazoʋi naʋafemberi; |
|
Isaya 47:12 |
Ɀino ʋuya noʋuroyi bgako noʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, bgawakaɓata nabgo kubva paʋuɗuku bgako, ɀimŋe uŋgaɓatsirwa, ɀimŋe uŋgakunda. |
|
Mabasa 8:11-24 |
[11] Ʋakamuterera, nokuti wakaŋga aʋashamisa noʋuŋaŋga bgake ŋguʋa huru.[12] Ɀino ʋakati ʋatenda Firipo, waiparidza mashoko oʋushe bgaMŋari nezita raJesu Kristu, ʋakabapatidzwa ʋarume naʋakadzi.[13] Naiye Simoni akatenda ʋo, ndokubapatidzwa ʋo, akagara naFiripo; akashamiswa, aciʋona ɀiratidzo namaɓasa esimba makuru, akaŋga aciitwa.[14] Ɀino ʋaapostora ʋaiʋa paJerusarema, ʋakati ʋanzwa kuti ʋaSamaria ʋakaŋga ʋagamucira shoko raMŋari, ʋakatuma Petro naJohane kwaʋari.[15] Iʋo ʋakaɓurukira’ko, ʋakaʋanyeŋgeterera kuti ʋapiwe Mŋeya Mutȿene;[16] nokuti wakaŋga asina‐kuɓurukira pamsoro pomumŋe waʋo; ʋakaŋga ʋaŋgobapatidzwa muzita raShe Jesu ɓedzi.[17] Ipapo ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro paʋo, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene.[18] Ɀino Simoni wakati aciʋona kuti Mŋeya Mutȿene wapiwa nokuiswa kwamaʋoko aʋaapostora, akaʋuya kwaʋari nemari,[19] aciti: Ndipei neni ʋo simba iri, kuti wandineŋge ndiciisa maʋoko pamsoro pake, apiwe Mŋeya Mutȿene.[20] Ɀino Petro akati kwaari: Sirveri yako ŋgaiparadzwe newe, nokuti wakafuŋga kuteŋga cipo caMŋari nemari.[21] Haunomugoʋe, kana cikamu, pacinhu ici, nokuti mŋoyo wako haunakururama pamberi paMŋari.[22] Naiɀoɀo tendeʋuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti ɀimŋe ukaŋganwirwe muraŋgariro womŋoyo wako.[23] Nokuti ndinoʋona kuti wapinda munduru inoʋaʋa, napakusuŋgwa kusakarurama.[24] Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire ɀikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa necimŋe caiɀoɀo ɀamareʋa. |
|
Genesisi 1:24-31 |
[24] Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo.[25] Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka.[26] Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika.[27] Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi.[28] Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika.[29] Mŋari akati: Tarirai, ndakakupai miriʋo yose inoɓereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemicero yemiti inoɓereka mbeu, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀenyu.[30] Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo.[31] Mŋari akaʋona ɀose ɀaakaita, ʋonei ɀakanaka kwaɀo. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retanhatu. |
|
1 VaKorinte 6:9 |
Ko hamuziʋi kuti ʋasakarurama haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari here? Musarashika; nokuti mhombge, kana ʋanonamata ɀifananidzo, kana ʋanofeʋa, kana ʋakapata, kana ʋanoita ɀakaipa naʋarume, |
|
John 1:8 |
Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. |
|
Zvakazarurwa 4:6-8 |
[6] Pamberi pecigaro coʋushe pakaŋga paneguŋgwa rakaʋonekera, rakafanana nekristaro; napakati pecigaro coʋushe, napamatiʋi ose ecigaro coʋushe, pakaŋga paneɀisikwa ɀinna ɀipenyu, ɀizere nameso mberi neshure kwaɀo.[7] Cisikwa cipenyu cokutaŋga cakaŋga cakafanana neshumba, cisikwa cipenyu cecipiri cakaŋga cakafanana nemhuru, cisikwa cipenyu cecitatu cakaŋga cineciso cakaita secomunhu, necisikwa cipenyu cecinna cakaŋga cakafanana negondo rinobururuka.[8] Neɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀinna ɀakaŋga ɀinamapapiro matanhatu, cimŋe necimŋe; ɀakaŋga ɀizere nameso kunhiʋi dzose nomukati; haɀizorori masikati noʋusiku, ɀiciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Ishe Mŋari, wamasimba ose, iye wakaŋga ari’po, uri’po, noucazoʋuya. |
|
Genesisi 3:15 |
Ndicaisa ruʋeŋgo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rucapxanya musoro wako, newe ucapxanya citsitsinho carwo. |
|
Zvakazarurwa 13:5 |
Ipapo cakapiwa muromo unotaura mashoko makuru neɀokumhura; cikapiwa simba kuti ciɀiite mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri. |
|
Ekisodho 7:11 |
Ipapo Farao akaɗana ʋo ʋakacenjera naʋaroyi; naiʋo ʋo, idzo ŋaŋga dzeEgipita, ʋakaita saiɀoɀo noʋuroyi bgaʋo. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |