2 Madzimambo 5:10 |
Erisha akatuma nhume kwaari, akati: Enda, undoshamba kanomŋe munaJoridani, nyama yako idzokere ɀe kwauri, uʋe wakanaka. |
|
Dheuteronomio 5:12 |
Ceŋgeta zuʋa resaɓata, riʋe dɀene, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako. |
|
Ekisodho 22:30 |
Uite ʋo saiɀoɀo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuʋa manomŋe namai ʋaro, ugondipa iro nezuʋa rorusere. |
|
John 6:35 |
Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. |
|
Mateu 26:26 |
Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. |
|
Numeri 4:7 |
Ʋanofanira kuwarira ʋo muceka mutema patafura yeciŋgwa cokuratidza, ndokuisa pamsoro payo midziyo, nembiya, nemikombe, neɀimbiya ɀokuɗira naɀo; neciŋgwa camazuʋa ose cinofanira kuʋa pamsoro payo. |
|
Joshua 6:3-4 |
[3] Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu.[4] Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda. |
|
Genesisi 2:1-3 |
[1] Ƌeŋga nenyika ɀikapera saiɀoɀo, noʋuzhinji bgaɀo.[2] Mŋari akapedza ɓasa rake raakaita nomusi wecinomŋe; akazorora nomusi wecinomŋe paɓasa rake rose raakaita.[3] Mŋari akaropafadza musi wecinomŋe, akauita mutȿene; nokuti wakazorora nawo paɓasa rake rose, raakaŋga asika nokuita iye Mŋari. |
|
Genesisi 9:12-16 |
[12] Ipapo Mŋari wakati: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandinoita pakati paŋgu nemi neɀipenyu ɀose ɀinemi kuȿikira kumarudzi asiŋgaperi:[13] Ndinoisa muraraʋuŋgu waŋgu mugore, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano pakati paŋgu nenyika.[14] Ɀino ndicati kana ndikaʋuyisa gore pamsoro penyika, muraraʋuŋgu uyu ukaʋonekwa mugore,[15] ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu iri pakati paŋgu nemi, napakati peɀipenyu ɀose ɀenyama; mvura haicazoʋi zhinji ɀe kuti iparadze ɀose ɀenyama.[16] Muraraʋuŋgu ucaʋa’po mugore; ndicautarira, kuti ndiraŋgarire suŋgano isiŋgaperi pakati paMŋari neɀipenyu ɀose ɀenyama ɀiri panyika. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |