A A A A A

Hupenyu: [Kuwana rudo]


John 3:16
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi.

1 Johani 4:8
Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo.

John 15:3
Imi matonatswa neshoko randakareʋa kwamuri.

1 VaKorinte 13:13
Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.

1 Petro 4:8
Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji.

1 Johani 4:7
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari.

1 VaKorinte 13:4-8
[4] Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi;[5] haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura;[6] harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi;[7] runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.[8] Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa.

VaEfeso 5:25
Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo;

1 Johani 4:19
Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa.

VaRoma 5:8
Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi.

John 14:15
Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu.

1 Johani 4:10
Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu.

VaKorose 3:14
Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa.

1 VaKorinte 16:14
Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo.

2 Timoti 2:22
Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena.

1 Johani 4:16
Nesu takaziʋa, tikatenda ruɗo urwu, Mŋari rwaanarwo kwatiri. Mŋari ruɗo; unogara muruɗo, unogara munaMŋari, naMŋari maari.

John 17:24
Ƃaɓa, ndinoɗa kuti aʋo ʋamakandipa, ʋaʋe ʋo neni apo pandiri, kuti ʋaʋone kubginya kwaŋgu, kwamakandipa, nokuti makandiɗa nyika isati yaʋambga.

John 13:35
Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu.

Mateu 5:43-48
[43] Makanzwa kuti ɀakanzi: Uɗe wokwako, uʋeŋge muʋeŋgi wako.[44] Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai;[45] kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama.[46] Nokuti kana muciɗa ʋanokuɗai, munomuɓairo weiko? Ko ʋateresi haʋaiti saiɀoɀo ʋo here?[47] Kana mucikwazisa hama dzenyu ɓedzi, munopfuʋura ʋamŋe neiko? Ko naʋahedeni haʋaiti saiɀoɀo ʋo here?[48] Naiɀoɀo muʋe ʋakakwana, saƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋakakwana.

1 VaKorinte 13:1-3
[1] Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere![2] Kunyaŋge ndine cipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.[3] Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu.

VaRoma 13:8
Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo.

1 Johani 4:7-8
[7] Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari.[8] Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo.

1 Johani 3:1
Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye.

Ruka 6:35
Asi iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, muʋaitire ɀakanaka. Mupe cikwerete musiŋgaʋori mŋoyo; muɓairo wenyu ucaʋa mukuru, mugoʋa ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro; nokuti iye unomŋoyo munyoro kunaʋasiŋgaʋoŋgi naʋakaipa.

VaRoma 12:10
Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai.

Mateu 6:24
Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.

VaRoma 13:8-10
[8] Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo.[9] Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe.[10] Ruɗo haruitiri wokwako ɀakaipa; naiɀoɀo ruɗo runozadzisa murairo.

1 VaKorinte 13:2
Kunyaŋge ndine cipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.

Revhitiko 19:18
Usatsiʋa, kana kugara wakatsamŋira ʋana ʋaʋanhu ʋokwako, asi unofanira kuɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; ndini Jehova.

Zvirevo 10:12
Mbeŋgo dzinomutsa kukakaʋara; Asi ruɗo runofukidza kuɗarika kwose.

Genesisi 2:24
Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe.

2 Timoti 3:16
Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMŋari, runoɓatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuraŋga kuri mukururama,

Zvirevo 18:22
Wawana mukadzi wawana cinhu cakanaka, Waʋigirwa nyasha yaJehova.

Mateu 6:33
Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri.

Mapisarema 12:6-7
[6] Mashoko aJehova mashoko akacena; Sesirveri yakaidzwa muɓisiro panyika, Yakanatswa kanomŋe.[7] Mucaʋaceŋgeta, Jehova, Mucaʋaceŋgeta parudzi urwu nokusiŋgaperi.

2 VaKorinte 6:14
Musasuŋgwa ɀisina‐kufanira pajoko pamŋe cete naʋasiŋgatendi; nokuti kururama kuŋgaʋa noʋukama bgeiko nokusarurama? Ciedza ciŋgayanana seiko nerima?

Mateu 19:5
Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.

VaRoma 4:22
Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama.

Zvakazarurwa 22:19
kana munhu akabvisa mashoko ebuku yokuprofita uku, Mŋari ucabvisa mugoʋe wake pamuti woʋupenyu, nomuguta dɀene, napaɀinhu ɀakanyorwa mubuku iyi.

Zvirevo 27:22
Kunyaŋge ukatswa ɓenzi muɗuri nomutsi pakati peɀiyo ɀinotswiwa, Ʋupenzi bgaro haʋuŋgabvi kwariri.

Isaya 28:25
Kana aciŋge aenzanisa ivu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudɀara kumini, nokuisa ɀiyo mumisara, nebari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhiʋi dzawo here?

Ekisodho 30:34
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tora miti inonhuwira, inoti: Sitakte, neonika, negarbano, miti yakanaka neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka; ɀose ɀienzane pakurema kwaɀo.

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018