1 Timoti 5:4 |
Asi kana cirikadzi inaʋana kana ʋazukuru, ŋgaʋataŋge iʋo kudzidza kunamata Mŋari paimba yaʋo, ʋadzosere ɀakafanira kuʋaɓereki ʋaʋo, nokuti ndiɀo ɀinofadza Mŋari. |
|
Mapisarema 146:9 |
Jehova unoceŋgeta ʋatorwa; Jehova unotsigira nherera necirikadzi; Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa. |
|
John 8:32 |
Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai. |
|
Zvakazarurwa 17:5 |
Pahuma yake pakaŋga pakanyorwa zita rakaʋanzika iri: BABIRONI, GUTA GURU, MAI ƲEMHOMBGE NAƲEⱿINONYAŊGADZA ⱿENYIKA. |
|
James 1:27 |
Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, no kuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika. |
|
John 6:54 |
Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. |
|
Mako 6:3 |
Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye. |
|
John 14:6 |
Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. |
|
Genesisi 1:1-7 |
[1] Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika.[2] Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura.[3] Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po.[4] Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima.[5] Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Ʋusiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe.[6] Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura.[7] Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. |
|
1 Timoti 5:8 |
Asi kana munhu asiŋgaceŋgeti ʋokwake, ɀikuru ʋeimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usiŋgatendi. |
|
VaGaratiya 1:19 |
Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. |
|
Maraki 1:11 |
Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. |
|
Genesisi 2:7 |
Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu. |
|
John 3:3-5 |
[3] Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari.[4] Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here?[5] Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. |
|
VaHebheru 12:14 |
Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; |
|
Zvakazarurwa 17:18 |
Mukadzi wawaʋona ndiro guta guru, rinoɓata ʋushe bgamadzimambo enyika. |
|
Mateu 16:18 |
Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. |
|
Genesisi 1:1 |
Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. |
|
Ekisodho 15:3 |
Jehova munhu wokurwa; Jehova ndiro zita rake. |
|
Zvakazarurwa 17:9 |
Ndipo panokufuŋga kunenjere. Misoro minomŋe ndiwo makomo manomŋe, anogarwa nomukadzi. |
|
VaFiripi 4:6-7 |
[6] Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga.[7] Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. |
|
VaGaratiya 4:19 |
Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. |
|
1 Petro 3:15 |
Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya; |
|
Zvakazarurwa 17:1 |
Ɀino mumŋe waʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanendiro nomŋe, akaʋuya akataura neni, aciti: Ʋuya pano, ndicakuratidza kutoŋgwa kwemhombge huru, inogara pamsoro pemvura zhinji; |
|
Mateu 18:15-18 |
[15] Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.[16] Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu.[17] Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise.[18] Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ɀose ɀamunosuŋga panyika, ɀicasuŋgwa kuɗeŋga; neɀose ɀamunosunuŋgura panyika, ɀicasunuŋgurwa kuɗeŋga. |
|
VaEfeso 1:22-23 |
[22] akaisa ɀose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti aʋe musoro waɀose,[23] ndiwo muʋiri wake, kuzara kwaiye unozadzisa ɀose munaʋose. |
|
VaEfeso 5:23 |
Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri. |
|
Mabasa 4:32 |
Ɀino ʋazhinji ʋose ʋaʋaitenda ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe nomŋeya mumŋe; kwakaŋga kusinomumŋe waiti cimŋe caaiʋa naco ndecake, asi ɀinhu ɀose ʋakati ndeɀaʋose. |
|
1 VaKorinte 1:10 |
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe. |
|
John 12:48 |
Unondiramba, asiŋgagamuciri mashoko aŋgu, uno mumŋe, unomutoŋga; shoko randakareʋa ndiro ricamutoŋga nezuʋa rokupedzisira. |
|
John 14:28 |
Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera ɀe kwamuri. Ƌai maindiɗa, muŋgaɗai maifara, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋakuru kwandiri. |
|
VaHebheru 1:14 |
Ko haʋazi ʋose mŋeya inoshumira, yakatumŋa kuzoɓata nokuɗa kwaʋanodya nhaka yokuponeswa here? |
|
Mateu 18:10 |
Cenjerai kuti murege kuɀidza mumŋe waʋaɗuku aʋa; nokuti ndinoti kwamuri, kuɗeŋga ʋatumŋa ʋaʋo ʋanosiʋona misi yose ciso caƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. |
|
VaEfeso 6:12 |
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. |
|
John 3:16 |
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. |
|
John 17:17 |
Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi. |
|
Zvakazarurwa 2:9 |
Ndinoziʋa kutambudzika kwako noʋurombo bgako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaiʋo ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi isinagoge raSatani, |
|
Mapisarema 68:5 |
Ƃaɓa ʋenherera, nomutoŋgi wemhoȿa dzecirikadzi, Ndiye Mŋari paʋugaro bgake ʋutȿene. |
|
Mapisarema 146:9 |
Jehova unoceŋgeta ʋatorwa; Jehova unotsigira nherera necirikadzi; Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa. |
|
VaGaratiya 2:10 |
ʋakaɗa cete kuti tiraŋgarire ʋarombo; ndiɀo ɀandakashiŋgairira ʋo kuti ndiɀiite. |
|
VaRoma 3:23 |
nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |