A A A A A

Hunhu hwakanaka: [Kutsveneswa]


2 VaTesaronika 2:13
Asi isu tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋaShe, nokuti Mŋari wakakusanaŋgurai kubva pakutaŋga, kuti muponeswe muʋutȿene bgoMŋeya nokutenda ɀokwaɗi.

2 Timoti 2:21
Naiɀoɀo kana munhu aciɀinatsa kwaɀo paɀinhu iɀi, ucaʋa mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutȿene, wakakwanira ɓasa raTenzi, wakagadzirirwa maɓasa ose akanaka.

Mabasa 26:18
kuti uȿinudze meso aʋo, ʋabve murima, ʋaende kuciedza, nokubva pasimba raSatani, ʋaende kunaMŋari, kuti ʋagamucire kaŋganwiro yeɀiʋi ɀaʋo, nenhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene, nokutenda kwandiri.

VaKorose 2:11
iye wamakadziŋgiswa ʋo maari nokudziŋgiswa kusiŋgaitwi namaʋoko, muʋiri wenyama ucibviswa, nokudziŋgiswa kuri kwaKristu;

VaKorose 3:1-5
[1] Naiɀoɀo, kana makamutswa pamŋe cete naKristu, tȿakai ɀiri kumsoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMŋari.[2] Fuŋgai ɀiri kumsoro, musafuŋga ɀiri pasi.[3] Nokuti makafa, ʋupenyu bgenyu bgakaʋigwa pamŋe cete naKristu munaMŋari.[4] Kana Kristu, iye ʋupenyu bgeɗu, aciʋonekwa, nemi ʋo mucaʋonekwa pamŋe cete naye pakubginya.[5] Naiɀoɀo ʋurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Ʋupombge, netȿina, nokushumba, nokuɗa ɀakaipa, nokuciʋa, ndiko kunamata ɀifananidzo.

VaEfeso 1:13
munaiye, nemi ʋo, makanzwa shoko reɀokwaɗi maari, iyo Evaŋgeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa cisimbiso noMŋeya Mutȿene wamakapikirwa;

Ekisodho 13:2
Nditsaurirei mataŋgwe ose; ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri, kana kuʋanhu kana kuɀipfuwo, ndeɀaŋgu.

Ekisodho 31:13
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Ɀirokwaɀo munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; nokuti ciratidzo pakati paŋgu nemi kuȿikira kumarudzi enyu ose, muziʋe kuti ndini Jehova unokutsaurai.

VaGaratiya 2:20
Ndakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naKristu; handiciri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama ɀino, ndinorarama nokutenda kuri muMŋanakomana waMŋari, wakandiɗa, akaɀipa nokuɗa kwaŋgu.

VaHebheru 2:11
Nokuti uyo, uno ʋa ita ʋatȿene, naiʋo ʋanoitwa ʋatsene, ʋose ʋakabva kunomumŋe; nemhaka iyi haanenyadzi kuʋaidza hama,

VaHebheru 9:14
ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu.

VaHebheru 10:10-14
[10] Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete.[11] Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi;[12] asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari;[13] kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake.[14] Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene.

VaHebheru ௧௨:௧௦-௧௪
[௧௦] Nokuti iʋo, ɀirokwaɀo, ʋakatiraŋga mazuʋa mashoma, seɀaʋaifuŋga: asi iye unotiraŋga kuti tiɓatsirwe, tigogoʋerwa ʋutȿene bgake.[௧௧] Ɀino kuraŋga kwose, kana kucaitwa, kwakaita sokusiŋgafadzi, kunocemedza; asi pashure kunoɓerekera iʋo, ʋakadzidziswa nako, ɀiɓereko ɀorugare, ndiɀo ɀiɓereko ɀokururama.[௧௨] Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;[௧௩] gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe.[௧௪] Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe;

VaHebheru ௧௩:௧௨
Saka naiye Jesu ʋo wakatambudzika kunze kwesuʋo, kuti aite ʋanhu ʋaʋe ʋatȿene neropa rake.

1 VaKorinte 1:2
kukereke yaMŋari iri paKorinte, kunaʋakaitwa ʋatȿene munaKristu Jesu, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene pamŋe cete naʋose ʋanoɗana pose‐pose zita raJesu Kristu, Ishe weɗu, waʋo noweɗu:

1 VaKorinte 6:11
Ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋakaɗaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa ʋatȿene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMŋeya waMŋari weɗu.

1 Johani 1:9
Kana ticiɀireʋurura ɀiʋi ɀeɗu, iye wakatendeka wakarurama, nokuɗaro kuti unotikaŋganwira ɀiʋi ɀeɗu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.

1 Johani 3:9
Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari.

1 Petro 1:2
ʋakasanaŋgurwa nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari Ƃaɓa, muʋutȿene bgoMŋeya, kuti ʋaterere, ʋasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ŋgaɀiwanzwe kwamuri.

1 VaTesaronika 4:3
Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge;

1 VaTesaronika 5:23
Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu.

2 VaKorinte 5:17
Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa.

1 VaTesaronika 4:3
Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge;

1 VaTesaronika 5:23
Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu.

2 VaKorinte 5:17
Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa.

2 VaKorinte 12:21
kuti kana ndiciȿika ɀe, Mŋari waŋgu arege kundininipisa pamberi penyu, ndiceme pamsoro paʋazhinji ʋaʋo ʋatotadza, ʋakasatendeʋuka patȿina yaʋo, noʋupombge, no ʋ utere bgaʋakaita.

John 17:17-19
[17] Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi.[18] Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika.[19] Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi.

VaFiripi 1:6
ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu;

VaFiripi 2:13
nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka.

VaRoma 6:6
ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi;

VaRoma 15:16
kuti ndiʋe muranda waKristu Jesu kuʋahedeni, ndiciita ɓasa roʋuprista paEvaŋgeri yaMŋari, kuti ciɓayiro caʋahedeni cifadze Mŋari, cakaitwa citȿene noMŋeya Mutȿene.

2 Petro 1:2-4
[2] nyasha ŋgadziʋe nemi norugare ŋgaruwanzwe pakuziʋa Mŋari naJesu, Ishe weɗu;[3] nokuti nesimba roʋuMŋari bgake takapiwa ɀose ɀinoɗikanwa paʋupenyu napakunamata Mŋari, nenzira yokumuziʋa iye wakatiɗana nokubginya kwake nokunaka;[4] akatipa naɀo ɀi kirwa ɀinokosha ɀakakura kwaɀo; kut naɀo muʋe ʋanhu ʋakagoʋerwa ʋuMŋari, matiza kuʋora kuri panyika nokuciʋa.

1 VaTesaronika 4:3-5
[3] Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge;[4] kuti mumŋe nomumŋe wenyu aziʋe kuɀiwanira mudziyo wake noʋutȿene nokukudzwa,[5] asiŋgaiti nokukara kwokuciʋa, saʋahedeni, ʋasiŋgaziʋi Mŋari;

John 15:1-4
[1] Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi.[2] Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko.[3] Imi matonatswa neshoko randakareʋa kwamuri.[4] Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri.

VaRoma 6:1-23
[1] Ɀino ticatiyiko? Torambira muɀiʋi kuti nyasha dziwande here?[2] Haiȿa! Isu takafa kuɀiʋi, ticagara seiko mukati maɀo?[3] Ko hamuziʋi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake?[4] Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa.[5] Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake;[6] ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi;[7] nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi.[8] Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye;[9] ticiziʋa kuti Kristu, amutswa kuʋakafa, haacazofi; rufu harucaʋi nesimba pamsoro pake.[10] Nokuti pakufa kwake, wakafa kamŋe kwaɀo kuɀiʋi; ɀino pakurarama kwake, unorarama kunaMŋari.[11] Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu.[12] Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo;[13] ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari.[14] Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.[15] Ɀino ticati yiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiȿa![16] Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama?[17] Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, nokuti imi maiʋa ʋaranda ʋeɀiʋi, mukazoterera nomŋoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.[18] Makasunuŋgurwa paɀiʋi, mukaʋa ʋaranda ʋokururama.[19] Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene.[20] Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama.[21] Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu.[22] Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi.[23] Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018