A A A A A

Hunhu hwakanaka: [Rudo]


1 VaKorinte 16:14
Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo.

1 Johani 4:8-18
[8] Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo.[9] Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye.[10] Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu.[11] Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana.[12] Hakunomunhu wakamboʋona Mŋari; kana ticiɗana, Mŋari unogara matiri, noruɗo rwake runokwaniswa matiri.[13] Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa ɀoMŋeya wake,[14] Isu takaʋona, ʋuye tinopupura kuti Ƃaɓa ʋakatuma Mŋanakomana, kuti aʋe Muponesi wenyika.[15] Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari.[16] Nesu takaziʋa, tikatenda ruɗo urwu, Mŋari rwaanarwo kwatiri. Mŋari ruɗo; unogara muruɗo, unogara munaMŋari, naMŋari maari.[17] Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino.[18] Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo.

John 3:16
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi.

1 Petro 4:8
Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji.

VaKorose 3:14
Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa.

John 13:34-35
[34] Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo.[35] Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu.

John 15:13
Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake.

1 VaKorinte 13:13
Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.

1 Johani 4:19
Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa.

Zvirevo 10:12
Mbeŋgo dzinomutsa kukakaʋara; Asi ruɗo runofukidza kuɗarika kwose.

1 Johani 4:7
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari.

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018