VaRoma 14:12 |
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari. |
|
VaRoma 1:20 |
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, iɀo ɀake ɀisiŋgaʋonekwi, iro simba rake risiŋgaperi noʋuMŋari bgake, ɀinoʋonekwa kwaɀo, ɀicizikanwa paɀinhu ɀakaitwa; kuti ʋarege kuʋa nepembedzo; |
|
Zvirevo 27:17 |
Simbi inorodza simbi; Saiɀoɀo munhu unorodza ciso ceshamŋari yake. |
|
James 5:16 |
Naiɀoɀo reʋururanai ɀiʋi ɀenyu, munyeŋgetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kunesimba guru pakuɓata kwako. |
|
VaRoma 2:12 |
Nokuti ʋose ʋakatadza ʋasinomurairo, ʋacaparadzwa ʋo ʋasinomurairo; ʋose ʋakatadza ʋanomurairo, ʋacatoŋgwa nomurairo; |
|
Ruka 12:47-48 |
[47] Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji.[48] Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari. |
|
1 VaTesaronika 5:11 |
Saka nyaradzanai, musimbisane, seɀamunoita ʋo. |
|
James ๔:๑๗ |
Naiɀoɀo uyo, unoziʋa kuita ɀakanaka, akasaɀiita, iye uneɀiʋi. |
|
VaRoma 4:15 |
nokuti murairo unoʋuyisa kutsamŋa; asi pasinomurairo hapana‐kuɗarika ʋo. |
|
1 Timoti 1:10 |
nemhombge, naʋanopombora naʋarume, naʋanoɓa ʋanhu, naʋanoreʋa nhema, naʋanopika nhema, ʋuye kana cimŋe ciri’ko cinopesana nedzidziso yakarurama; |
|
Mateu 12:36 |
Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga. |
|
Ruka 12:48 |
Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari. |
|
Ezekieri 18:20 |
Mŋeya unotadza, ndiwo ucafa; mŋanakomana haaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake, naɓaɓa haʋaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀomŋanakomana waʋo; kururama kwowakarurama kucaʋa pamsoro pake, nokuipa kwowakaipa kucaʋa pamsoro pake. |
|
VaEfeso 5:21 |
muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu. |
|
VaHebheru 10:25 |
tisarega kuʋuŋgana kweɗu, seɀinoita ʋamŋe, asi tirairane; ɀikuru ɀamunoʋona kuti zuʋa rosweɗera. |
|
Ezekieri 33:8 |
Kana ini ndikati kunowakaipa: Iwe munhu wakaipa, ucafa ɀirokwaɀo, iwe ukasataura kuti unyeʋere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. |
|
Mateu 12:36-37 |
[36] Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga.[37] Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa. |
|
VaGaratiya 6:1-2 |
[1] Hama dzaŋgu, kunyaŋge munhu akaɓatwa panokumŋe kuɗarika, imi ʋoMŋeya mudzose wakaɗai nomŋoyo woʋunyoro; uciɀicenjerera iwe, kuti urege kuidzwa ʋo.[2] Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo. |
|
VaHebheru ๑๐:๒๔ |
ŋgatiraŋgarirane, timutsane mŋoyo kuti tiʋe noruɗo namaɓasa akanaka, |
|
Mapisarema 51:5 |
Tarirai, ndakaɓerekerwa muɀakaipa; Mai ʋaŋgu ʋakandigamucira muɀiʋi. |
|
1 Johani ౨:౨ |
ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi we ɀiʋi ɀenyika yose ʋo. |
|
2 VaKorinte 5:10 |
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pecigaro cokutoŋga caKristu; kuti mumŋe nomumŋe apiwe ɀaakaita nomuʋiri, seɀaakaita, kana ɀakanaka kana ɀakaipa. |
|
2 VaKorinte 4:17-18 |
[17] Nokuti kutambudzika kweɗu, kwakareruka, kuri’po ciŋguʋa ciɗuku, kunotiitira kubginya kukuru kwakaiȿo‐naka kusiŋgaperi;[18] tisiŋgatariri ɀinoʋonekwa, asi ɀisiŋgaʋonekwi; nokuti ɀinoʋonekwa ɀinopfuʋura, asi ɀisiŋgaʋonekwi ndeɀokusiŋgaperi. |
|
VaEfeso 4:25 |
Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe. |
|
VaGaratiya 6:2 |
Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo. |
|
Mabasa ౧౪:౧౭ |
Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro. |
|
2 VaKorinte 2:6 |
Kuroʋa uku kwaʋanhu ʋazhinji kunoriŋgana munhu wakaɗai. |
|
1 Samueri 16:7 |
Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo. |
|
1 VaKorinte 1:10 |
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe. |
|
2 Madzimambo 12:4-5 |
[4] Ɀino Jehoashi akati kuʋaprista: Mari yose yeɀinhu ɀakatsaurwa, inoiswa mumba maJehova, mari yaʋanhu ʋakaʋereŋgwa, nemari yaʋose seɀaʋakatarirwa mumŋe nomumŋe, nemari yose, inoiswa mumba maJehova nomumŋe nomumŋe nomŋoyo wake,[5] ʋaprista ŋgaʋatore mari iyo, mumŋe nomumŋe kumuzikanwi wake, ʋagadzire ɀakaputsika paimba, pose pose paʋanowana pakaputsika. |
|
Mapisarema 82:1 |
Pisarema raAsafi. Mŋari unomira paʋuŋgano yaMŋari; Unotoŋga pakati paʋamŋari. |
|
Mapisarema 82:6 |
Ndakati: Muri ʋamŋari, Mose muri ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro. |
|
Jobho 1:6-12 |
[6] Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo.[7] Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi.[8] Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa.[9] Ipapo Satani akapindura Jehova, akati: Jobo unotya Mŋari pasina here?[10] Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika.[11] Asi tambanudzai henyu ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe ɀose ɀaanaɀo, ipapo iye ucakushoʋorai pacena.[12] Jehova akati kunaSatani: Tarira, ɀose ɀaanaɀo ɀiri paruʋoko rwako; asi usatambanudzira ruʋoko rwako kwaari. Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova. |
|
Jobho 2:1-7 |
[1] Ɀino rimŋe zuʋa ɀe ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo, akamira pamberi paJehova.[2] Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi.[3] Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa; naɀino unorambira pakururama kwake, kunyaŋge iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asinemhaka.[4] Satani akapindura Jehova, akati: Ganda rinotsibga neganda, ɀose ɀaanaɀo munhu uŋgaɀiisira ʋupenyu bgake.[5] Asi tambanudzai ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe mafupa ake nenyama yake, ipapo ucakushoʋorai pacena.[6] Jehova akati kunaSatani: Tarira, iye uri paruʋoko rwako; asi kwoga urege ʋupenyu bgake.[7] Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova, akaroʋa Jobo namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kuȿikira pamusoro wake. |
|
1 Makoronike 28:8 |
Naiɀoɀo ɀino, pamberi paʋaIsraeri ʋose, neʋuŋgano yose yaJehova, Mŋari weɗu aciɀinzwa, ceŋgetai nokutȿaka mirairo yose yaJehova Mŋari wenyu; kuti nyika ino yakanaka iʋe yenyu, mugoisiyira ʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |