Ruka 6:38 |
Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco. |
|
Mateu 5:4 |
Ʋakaropafadzwa ʋanocema; nokuti ʋacanyaradzwa. |
|
VaFiripi 4:19 |
Ɀino Mŋari waŋgu ucazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya, munaKristu Jesu. |
|
Mapisarema 67:7 |
Mŋari ucatiropafadza; Nemigumo yose yapasi icamutya. |
|
Numeri 6:24-25 |
[24] Jehova akuropafadze, akuceŋgete;[25] Jehova akuvenekere neciso cake, akunzwire nyasha; |
|
VaFiripi 4:6-7 |
[6] Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga.[7] Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. |
|
James 1:17 |
Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka. |
|
Jeremiya 17:7-8 |
[7] Wakaropafadzwa iye munhu unoʋimba naJehova, wakaita Jehova ciʋimbo cake.[8] Nokuti ucaʋa somuti wakasimŋa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usiŋgatyi kana kupisa kuciȿika, asi mashizha awo acaʋa matema; hauŋgaraŋgariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kuɓereka ɀiɓereko. |
|
Isaya 41:10 |
usatya, nokuti ndinewe; usavunduka, nokuti ndiri Mŋari wako; ndicakusimbisa, ɀirokwaɀo, ndicakuɓatsira; ɀirokwaɀo, ndicakutsigira noruʋoko rwaŋgu rworudyi rwokururama. |
|
John 1:16 |
Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha. |
|
Genesisi 22:16-17 |
[16] akati: Ɀanzi naJehova: Ndakapika neni ndimene, ndiciti: Ɀawaita iɀoɀo, ukasandinyima mŋanakomana wako mumŋe cete;[17] ndicakuropafadza kwaɀo, ndicawanza ʋana ʋako kwaɀo senyeredzi dzokuɗeŋga, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa; ʋano ʋako ʋacaʋa ʋaridzi ʋamasuʋo aʋaʋeŋgi ʋaʋo; |
|
Genesisi 27:28-29 |
[28] Mŋari ŋgaakupe ɗoʋa rokuɗeŋga, Mafuta enyika, Neɀiyo newaini ɀakawanda.[29] Ʋanhu ŋgaʋakushumire, Marudzi ose ŋgaakufugamire; Uʋe ishe wehama dzako, Ʋanakomana ʋamai ʋako ŋgaʋakufugamire; Ʋose ʋanokutuka ŋgaʋatukwe, Ʋose ʋanokuropafadza ŋgaʋaropafadzwe. |
|
Mapisarema 1:1-3 |
[1] Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa, Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi, Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi.[2] Asi unofarira murairo waJehova; Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku.[3] Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura, Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo, Mashizha awo haaȿaʋi; Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika. |
|
Mapisarema 23:1-4 |
[1] Pisarema raDavidi. Jehova ndiye mufudzi waŋgu; Hapana‐candiŋgashaiwa.[2] Unondiʋatisa pasi pamafuro manyoro; Unondisesedza pamvura inozorodza.[3] Unoponesa mŋeya waŋgu; Unondifambisa panzira dzokururama nokuɗa kwezita rake.[4] Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handiŋgatoŋgotyi ɀakaipa; nokuti imi mune’ni; Tȿimbo yenyu nomuɗonɀo wenyu ɀinondinyaradza. |
|
2 Samueri २२:३-४ |
[३] Mŋari iɗombo raŋgu, ndicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, noʋutiziro bgaŋgu. Muponesi waŋgu, munondiponesa pakumanikidzwa.[४] Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu. |
|
1 Johani 5:18 |
Tinoziʋa kuti mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi; asi wakaɓerekwa naMŋari unoceŋgetwa naye, wakaipa haaŋgamuɓati. |
|
Mapisarema 138:7 |
Kana ndicifamba pakati penhamo, imi mucandiponesa; Mucatambanudza ruʋoko rwenyu kudziʋisa kutsamŋa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandiponesa. |
|
2 VaKorinte 9:8 |
Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka; |
|
VaFiripi 4:7 |
Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |