1 Timoti 3:1-13 |
[1] Ishoko raɀokwaɗi, rokuti, kana munhu acitȿaka ɓasa romutariri, unoɗa ɓasa rakanaka.[2] Naiɀoɀo mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, wakaŋgwara, wakacenjera, unomugarire wakafanira, unoitira ʋaeni ruɗo, unoziʋa kudzidzisa,[3] usiŋgaɗi waini, usiŋgarwi; asi munyoro, usinegakaʋa, usiŋgakariri mari;[4] unoɓata imba yake ɀakanaka, unaʋana ʋanoɀiisa pasi nomugarire wose unokudzwa;[5] (kana munhu asiŋgaziʋi kuɓata imba yake, uŋgaceŋgeta seiko kereke yaMŋari?)[6] Asaʋa mutendi mutȿa, kuti arege kuzoɀikudza, atoŋgwe saDiaborosi.[7] Ʋuye ɀe, unofanira kupupurirwa ɀakanaka naʋari kunze, kuti arege kuɀidzwa, nokuɓatwa mumusuŋgo waDiaborosi.[8] Saiɀoɀo ʋo ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasinamanzwi maʋiri, ʋasiŋgaɗi waini zhinji, ʋasiŋgakariri fuma yakaipa;[9] ʋanoceŋgeta ɀakaʋanzika ɀokutenda muhana yakanaka.[10] Naiʋo ŋgaʋataŋge kuidzwa ʋo, ipapo ʋashumire, kana ʋasina‐caʋaŋgapomerwa.[11] Saiɀoɀo naʋakadzi ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasiŋgaceri ʋamŋe, ʋakaȿinuka, ʋakatendeka paɀose.[12] Ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋarume ʋanomukadzi mumŋe cete, ʋanoɓata ʋana ʋaʋo nedzimba dzaʋo ɀakanaka;[13] nokuti aʋo ʋakashumira ɀakanaka, ʋanoɀiwanira zita rinokudzwa, nokutsuŋga kukuru pakutenda kwaʋo munaKristu Jesu. |
|
VaFiripi 1:1 |
Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke: |
|
Mabasa 6:1-7 |
[1] Ɀino namazuʋa iwayo, ʋadzidzi ʋaciwanda, ʋaJuda, ʋaitaura ciGiriki, ʋakanyunyutira ʋaHeberu, nokuti cirikadzi dzaʋo dzaiɗarikwa pakugoʋerwa kwomusi mumŋe nomumŋe.[2] Ɀino ʋanegumi naʋaʋiri ʋakaɗana ʋadzidzi ʋazhinji, ʋakati: Hakuzakafanira kuti isu tirege shoko raMŋari, tishumire pamatafura.[3] Ɀino hama dzaŋgu, sanaŋgurai pakati penyu ʋarume ʋanomŋe, ʋanopupurirwa ɀakanaka, ʋazere noMŋeya noʋucenjeri, ʋatiŋgaisa paɓasa iri.[4] Asi isu ticatsuŋgirira pakunyeŋgetera napaɓasa reshoko.[5] Shoko iri rikafadza ʋazhinji ʋose, ʋakasanaŋgura Stefano, murume wakaŋga azere nokutenda noMŋeya Mutȿene, naFiripo, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naParmenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia.[6] Ʋakaʋaisa pamberi paʋaapostora; ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo.[7] Shoko raMŋari rikakura, ʋadzidzi ʋakawanda ɀikuru paJerusarema; naʋaprista ʋazhinji ʋakagamucira kutenda. |
|
VaRoma 16:1 |
Ndinoreʋerera kwamuri Fibi, hanɀadzi yeɗu, mushandiri wekereke iri paKenkrea. |
|
Tito 1:7 |
Nokuti mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, somuceŋgeti weimba yaMŋari; asiŋgaiti kuɗa kwake, asiŋgakurumidzi kutsamŋa, asiŋgaɗi waini, asiŋgarwi, asiŋgakariri fuma yakaipa; |
|
Mabasa 6:3 |
Ɀino hama dzaŋgu, sanaŋgurai pakati penyu ʋarume ʋanomŋe, ʋanopupurirwa ɀakanaka, ʋazere noMŋeya noʋucenjeri, ʋatiŋgaisa paɓasa iri. |
|
John 8:32 |
Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai. |
|
VaEfeso 4:11 |
Ɀino wakapa ʋamŋe kuti ʋaʋe ʋaapostora, ʋamŋe ʋaprofita, ʋamŋe ʋaevaŋgeri, ʋamŋe ʋafudzi naʋadzidzisi; |
|
Mabasa 20:28 |
Ɀicenjerei imi, neɓoka rose ramakaitirwa ʋatariri ʋaro noMŋeya Mutȿene, kuti mufudze kereke yaMŋari, yaakateŋga neropa rake. |
|
John 6:54 |
Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. |
|
Mako 6:3 |
Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye. |
|
1 VaKorinte 12:28 |
Mŋari wakaisa ʋamŋe pakereke, pakutaŋga ʋaapostora, rwecipiri ʋaprofita, rwecitatu ʋadzidzisi, teʋere ʋaiti ʋa maɓasa esimba, teʋere ɀipo ɀokuporesa, naʋaɓatsiri, naʋaɓati, namarudzi mazhinji endimi. |
|
VaGaratiya 1:19 |
Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. |
|
Maraki 1:11 |
Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. |
|
VaHebheru 13:17 |
Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu. |
|
John 3:3-5 |
[3] Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari.[4] Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here?[5] Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. |
|
VaHebheru 12:14 |
Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; |
|
Mabasa 6:4 |
Asi isu ticatsuŋgirira pakunyeŋgetera napaɓasa reshoko. |
|
1 Timoti 3:1-7 |
[1] Ishoko raɀokwaɗi, rokuti, kana munhu acitȿaka ɓasa romutariri, unoɗa ɓasa rakanaka.[2] Naiɀoɀo mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, wakaŋgwara, wakacenjera, unomugarire wakafanira, unoitira ʋaeni ruɗo, unoziʋa kudzidzisa,[3] usiŋgaɗi waini, usiŋgarwi; asi munyoro, usinegakaʋa, usiŋgakariri mari;[4] unoɓata imba yake ɀakanaka, unaʋana ʋanoɀiisa pasi nomugarire wose unokudzwa;[5] (kana munhu asiŋgaziʋi kuɓata imba yake, uŋgaceŋgeta seiko kereke yaMŋari?)[6] Asaʋa mutendi mutȿa, kuti arege kuzoɀikudza, atoŋgwe saDiaborosi.[7] Ʋuye ɀe, unofanira kupupurirwa ɀakanaka naʋari kunze, kuti arege kuɀidzwa, nokuɓatwa mumusuŋgo waDiaborosi. |
|
1 Timoti 2:12 |
Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti aʋe nesimba pamsoro pomurume, asi ŋgaanyarare. |
|
Mabasa 14:23 |
Ʋakaʋasanaŋgurira ʋakuru pakereke imŋe neimŋe, ʋakanyeŋgetera, ʋaciɀinyima ɀokudya, ʋakaʋaisa kunaShe, waʋaitenda. |
|
1 Timoti 5:17 |
Ʋakuru ʋanoɓata kereke ɀakanaka ŋgaʋanzi ʋanofanirwa nokukudzwa kaʋiri, ɀikuru aʋo ʋanoɓata pashoko napakudzidzisa. |
|
VaHebheru 13:7 |
Raŋgarirai ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋaikuparidzirai shoko raMŋari; cerekedzai kuguma kwokufamba kwaʋo, mugoteʋera kutenda kwaʋo. |
|
Tito 1:8 |
asi unoitira ʋaeni ruɗo, unoɗa ɀakanaka, wakacenjera, wakarurama, mutsene, unoɀidzora; |
|
1 Petro 5:2 |
Fudzai ɓoka raMŋari riri pakati penyu, musiŋgaɀiiti nokuroʋererwa, asi nomŋoyo unoɗa nokuɗa kwaMŋari, musiŋgaɀiiti nokuɗa kwokukarira fuma yakaipa; |
|
Tito 1:6 |
kana kuno munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, unaʋana ʋanotenda, ʋasiŋgapiwi mhoȿa yokuti haʋaɀidzori, kana kuti haʋatereri. |
|
1 Timoti 5:22 |
Usakurumidza kuisa maʋoko pamsoro pomunhu, kana kusoŋgana paɀiʋi ɀaʋamŋe; uɀiceŋgete kuti uʋe wakacena. |
|
Tito 1:5 |
Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira iɀo ɀakaŋga ɀasara, nokugadza ʋakuru mumaguta ose, seɀandakakuraira; |
|
VaGaratiya 4:19 |
Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |