A A A A A

Hunhu Hakaipa: [Munyengeri]


1 Johani 4:20
Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona?

1 Petro 2:16
saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari.

VaGaratiya 6:3
Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye.

Jeremiya 23:11
Nokuti ʋaprofita naʋaprista ʋose ʋanomhura Jehova; ɀirokwaɀo, mumba maŋgu ndakawana ɀakaipa ɀaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Jobho 8:13
Ndiɀo ɀakaita nzira dzaʋose ʋanokaŋganwa Mŋari; Ʋuye tariro yomunhu usiŋgaɗi Mŋari icapera;

Ruka 6:46
Munondiidzireiko Ishe! Ishe! musiŋgaiti ɀandinoreʋa?

Ruka 12:2
Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi.

Mako 7:6
Akati kwaʋari: Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, imi ʋanyeŋgeri, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni.

Mateu 6:1
Cenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi paʋanhu, kuti muʋonekwe naʋo; kana maɗaro hamunamuɓairo kunaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga.

VaRoma 10:3
Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari.

Tito 1:16
Ʋanoti, tinoziʋa Mŋari, asi ʋanomuramba namaɓasa aʋo, ɀaʋari ʋanhu ʋanonyaŋgadza, ʋasiŋgatereri, ʋasakafanira pamaɓasa ose akanaka.

Mateu 23:27-28
[27] Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose.[28] Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa.

Ruka 20:46-47
[46] Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo;[47] ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.

James 1:22-23
[22] Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera.[23] Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni.

Mateu 6:16-18
[16] Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.[17] Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako;[18] kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.

Mateu 7:21-23
[21] Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.[22] Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here?[23] Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama.

Mateu 15:7-9
[7] Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti:[8] Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni.[9] Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu.

Mateu 6:1-4
[1] Cenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi paʋanhu, kuti muʋonekwe naʋo; kana maɗaro hamunamuɓairo kunaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga.[2] Ɀino kana ucipa ʋarombo ɀipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, seɀinoita ʋanyeŋgeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti ʋakudzwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋapiwa muɓairo waʋo.[3] Asi iwe, kana ucipa ɀipo, ruʋoko rwako rworuɓoshwe ŋgarurege kuziʋa cinoitwa norudyi rwako,[4] kuti kupa kwako kuʋe pakaʋanda; ipapo Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda ʋacakupa muɓairo.

2 Timoti 3:1-5
[1] Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika.[2] Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene,[3] ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka,[4] ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari;[5] ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo.

VaRoma 2:1-5
[1] Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotoŋga ʋamŋe; nokuti pacinhu ico caunotoŋga mumŋe naco, unoɀipa mhoȿa iwe, nokuti iwe, unotoŋga, unoita ɀinhu iɀoɀo.[2] Tinoziʋa kuti kutoŋga kwaMŋari ndokwaɀokwaɗi kunaʋanoita ɀinhu ɀakaɗai.[3] Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here?[4] Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka?[5] Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari;

James 1:21-26
[21] Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu.[22] Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera.[23] Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni.[24] Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye.[25] Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita.[26] Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo.

Ruka 6:37-42
[37] Musatoŋga, nemi hamuŋgazotoŋgwi; musapa mhaka, nemi hamuŋgazopiwi mhaka; sunuŋgurai, nemi mucasunuŋgurwa ʋo.[38] Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco.[39] Wakaʋaʋudza ʋo mufananidzo, akati: Ƃofu riŋgatuŋgamirira rimŋe ɓofu here? Haaŋgawiri mugomba ose ari maʋiri here?[40] Mudzidzi haapfuʋuri mudzidzisi wake. Asi mumŋe nomumŋe, kana akwaniswa, ucaʋa somudzidzisi wake.[41] Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, iɀo, ɗanda riri muziso rako hauriʋoni?[42] Kana uŋgareʋa seiko kuhama yako, uciti: Hama, rega ndibvise ruɓanzu ruri muziso rako, usiŋgaʋoni ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga ubvise ɗanda muziso rako, ipapo ucaʋonesesa kubvisa ruɓanzu ruri muziso rehama yako.

Mateu 7:1-6
[1] Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa;[2] nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco.[3] Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako?[4] Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako?[5] Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.[6] Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai.

1 Johani 2:1-6
[1] Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama;[2] ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi we ɀiʋi ɀenyika yose ʋo.[3] Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake.[4] Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari;[5] asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari;[6] uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye.

Ruka 16:10-15
[10] Wakatendeka paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, wakatendeka ʋo paɀikuru; asi usakarurama paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, haaŋgarurami ʋo paɀikuru.[11] Naiɀoɀo kana musina‐kuʋa ʋakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko ucakutendai nefuma yaɀokwaɗi?[12] Kana musina‐kuʋa ʋakatendeka paɀinhu ɀomumŋe, ndianiko ucakupai ɀenyu?[13] Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.[14] Ɀino ʋaFarise, ʋakaŋga ʋaciɗa mari, ʋakanzwa iɀoɀo ɀose, ʋakamuseka.[15] Akati kwaʋari: Imi munoɀiruramisa pamberi paʋanhu, asi Mŋari unoziʋa mŋoyo yenyu; nokuti iɀo ɀinokudzwa pakati paʋanhu, ɀinonyaŋgadza pamberi paMŋari.

James 2:14-26
[14] Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here?[15] Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe,[16] mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei?[17] Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako.[18] Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu.[19] Iwe unotenda kuti Mŋari ndiye mumŋe cete; unoita ɀakanaka; mŋeya yakaipa inotenda ʋo iɀoɀo, iciɗeɗera.[20] Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa?[21] Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari?[22] Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa;[23] rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari.[24] Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi.[25] Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira?[26] Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018