A A A A A

Kuwedzera: [Kutongerwa rufu]


VaRoma 6:23
Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.

Mabasa 25:11
Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari.

Zvakazarurwa 21:8
Asi kana ʋari ʋanotya, naʋasiŋgatendi naʋanyaŋgadzi, naʋaʋurayi, nemhombge, naʋaroyi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoreʋa nhema, mugoʋe waʋo uri mudziʋa rinopfuta nomŋoto nesurferi; ndirwo rufu rwecipiri.

Revhitiko 20:10-13
[10] Munhu unoita ʋupombge nomukadzi womumŋe, iye unoita ʋupombge nomukadzi wowokwake, ɀirokwaɀo mhombge necifeʋe ʋose ʋacaʋurawa.[11] Munhu unoʋata nomukadzi waɓaɓa ʋake, wafukura ɓaɓa ʋake, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.[12] Kana munhu akaʋata nomukadzi womŋanakomana wake, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuʋurawa; ʋakaita ɀinoyaŋgadza kwaɀo; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.[13] Kana munhu akaʋata nomurume seɀinoitwa nomukadzi, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaita ɀinonyaŋgadza, ʋose ʋanofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

Ekisodho 21:12-17
[12] Unoroʋa munhu, akafa, ɀirokwaɀo iye unofanira kuʋurawa.[13] Asi kana munhu asina‐kumuʋandira, asi Mŋari aciŋge atendera kuti awire muruʋoko rwake, ndicakutarira nɀimbo kwaaŋgatizira.[14] Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe.[15] Unoroʋa ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa[16] Unoɓa munhu, akamuteŋgesa, kana ɀimŋe akawanikwa ari muruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.[17] Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.

Ekisodho 22:19
Aninani unoʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.

Dheuteronomio 22:24
ipapo munofanira kuʋaɓuɗisa ʋose ʋari ʋaʋiri pasuʋo reguta, mugoʋataka namabge, ʋafe, musikana nokuti haana‐kuridza mhere, ari muguta hake, ʋuye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.

Dheuteronomio 13:5
Asi muprofita uyo kana muroti uyo ʋanofanira kuʋurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehova Mŋari wenyu, iye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, nokukudzikinurai muimba yoʋuranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe’mo. Naiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.

Revhitiko 24:16
Munhu unomhura zita raJehova, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge, kana ari mutorwa, kana ari wakaɓerekerwa munyika, kana acimhura zita raJehoʋa unofanira kuʋurawa.

Dheuteronomio 21:18-21
[18] Kana munhu anomŋanakomana wakasindimara usiŋganzwi, usiŋgaɗi kuterera inzwi raɓaɓa ʋake kana inzwi ramai ʋake, usiŋganzwi kana ʋacimuraŋga;[19] ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋanofanira kumuɓata ndokuenda naye kuʋakuru ʋeguta rake, nokusuʋo renɀimbo yake,[20] ʋagoti kuʋakuru ʋeguta rake: Mŋanakomana weɗu uyu wakasindimara, unotimukira, haaɗi kuterera inzwi reɗu; unopedza fuma, nokunwa ɗoro.[21] Ɀino ʋarume ʋose ʋeguta ʋanofanira kumutaka namabge, kuti afe; saiɀoɀo unofanira kubvisa cakaipa pakati pako; ʋaIsraeri ʋose ʋaɀinzwe, ʋatye.

Dheuteronomio 17:6
Nokupupura kweɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu iye unofanira kufa, ŋgaaʋurawe; nokupupura kwecapupu cimŋe ŋgaarege kuʋurawa.

Revhitiko 20:27
Murume kana mukadzi unoȿikirwa, kana uri muʋuki, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanofanira kutakwa namabge; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

Numeri 15:32-36
[32] Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋaciri murenje, ʋakaʋona munhu aciʋuŋganidza tsotso nomusi wesaɓata.[33] Aʋo ʋakamuwana aciʋuŋganidza tsotso ʋakamuisa kunaMosesi naAroni, nokuʋuŋgano yose.[34] Ʋakamuisa mutoroŋgo, nokuti kwakaŋga kusina‐kurebga ɀaaifanira kuitirwa.[35] Jehova akati kunaMosesi: Munhu uyu, ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge kunze kwemisasa.[36] Ipapo ʋuŋgano yose yakamuisa kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge, akafa; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

Revhitiko 20:2-9
[2] Ʋuye ɀe, uti kuʋana ʋaIsraeri: Aninani pakati paʋana ʋaIsraeri, kana paʋatorwa ʋagere pakati paʋaIsraeri, unopa Moreki ʋana ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanhu ʋenyika ʋanofanira kumutaka namabge.[3] Neni ʋo ndicanaŋanidza munhu uyo, ndicamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki ʋamŋe pakati paʋana ʋake, kuti aȿiɓise imba yaŋgu tȿene, nokumhura zita raŋgu dɀene.[4] Kana ʋanhu ʋenyika ʋakaita saʋasiŋgaʋoni munhu uyo, kana acipa Moreki ʋamŋe pakati paʋana ʋake, ʋakasamuʋuraya;[5] ipapo ini ndicanaŋanidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye naʋose ʋanomuteʋera pakupata naMoreki.[6] Munhu unotsaukira kumaȿikiro naʋaʋuki kuʋateʋera pakupata, ndicanaŋanidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.[7] Naiɀoɀo ɀitsaurei, muʋe ʋatȿene; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.[8] Munofanira kuceŋgeta mitemo yaŋgu, nokuiita; ndini Jehova unokutsaurai.[9] Nokuti mumŋe nomumŋe unotuka ɓaɓa ʋake, kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; munhu wakatuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, mhoȿa yeropa rake icaʋa pamsoro pake.

Revhitiko 24:17
Munhu unoroʋa mumŋe, akafa, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa;

Dheuteronomio 17:12
Munhu unoita nokuɀikudza, asiŋgaɗi kuterera muprista unomira’po pakushumira Jehova Mŋari wako, kana mutoŋgi, munhu uyo unofanira kufa; iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri.

Ekisodho 21:14
Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe.

Genesisi 9:6
Aninani unoteʋura ropa romunhu, ropa rake ricateʋurwa ʋo nomunhu; nokuti Mŋari wakaita munhu nomufananidzo wake.

Ekisodho 20:13
Usaʋuraya.

VaRoma 13:1-7
[1] Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari.[2] Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa.[3] Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro;[4] nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa.[5] Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo.[6] Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico.[7] Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa.

John 8:3-11
[3] Ʋanyori naʋaFarise ʋakaʋuya kwaari nomukadzi wakaŋga aɓatwa acifeʋa ʋakamuisa pakati paʋo.[4] Ʋakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakaɓatwa acifeʋa, ipapo pamene.[5] Ɀino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti ʋakadzi ʋakaɗaro ʋatakwe namabge; ɀino imi munoti kuɗiniko?[6] Ʋakareʋa iɀoɀo, ʋacimuidza, kuti ʋawane caʋaŋgamupomera mhoȿa naco. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe.[7] Ɀino iʋo ʋakati ʋaciramba ʋacimubvunza, akakotoroka, akati kwaʋari: Usineciʋi pakati penyu, ŋgaataŋge kukande‐bge kwaari.[8] Akakotama ɀe, akanyora pasi.[9] Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, hana dzaʋo dzikaʋaroʋa, ʋakaɓuɗa mumŋe‐mumŋe, kutaŋga ʋakuru kuȿikira kunowokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakaŋga amire pakati paʋo.[10] Jesu akakotoroka; ɀino asiŋgaʋoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari: Mai, ʋaya ʋakupomera mhoȿa ʋaripiko? Hakuna‐wakutoŋga here?[11] Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Neni ʋo handikupi mhoȿa. Enda hako, usatadza ɀe.]

Mateu 5:17
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuparadza murairo kana ʋaprofita: Handina‐kuʋuya kuparadza, asi kuzadzisa.

Genesisi 9:5-6
[5] Ɀirokwaɀo ropa renyu, roʋupenyu bgenyu, ndicaritȿaka; ndicaritȿaka paɀipenyu ɀose, ndicatȿaka ʋupenyu bgomunhu paruʋoko rwomunhu naparuʋoko rwehama yomunhu.[6] Aninani unoteʋura ropa romunhu, ropa rake ricateʋurwa ʋo nomunhu; nokuti Mŋari wakaita munhu nomufananidzo wake.

Mateu 5:38-39
[38] Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino.[39] Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo.

Dheuteronomio 22:22
Kana murume akawanikwa aciʋata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, iʋaʋo ʋose ʋanofanira kuʋurawa, murume wakaʋata nomukadzi naiye mukadzi ʋo; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri.

VaRoma 12:19
Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe.

VaRoma 13:9
Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe.

Mateu 7:5
Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.

Revhitiko 20:14
Kana munhu akatora mukadzi pamŋe cete namai ʋake, ɀakaipa; ʋanofanira kupiswa nomŋoto ʋose, iye naiʋo; kuti kurege kuʋa neɀakaipa pakati penyu.

Revhitiko 21:9
Kana mŋanasikana womuprista upi noupi aciɀishatsa nokupata, unoshatsa ɓaɓa ʋake; unofanira kupiswa nomŋoto.

Revhitiko 24:14-23
[14] Ƃuɗisa mutuki kunze kwemisasa; ɀino ʋose, ʋakamunzwa, ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamusoro wake, ʋuŋgano yose igomutaka namabge.[15] Ɀino iwe utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Aninani unotuka Mŋari wake unofanira kurobga pamsoro peɀiʋi ɀake.[16] Munhu unomhura zita raJehova, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge, kana ari mutorwa, kana ari wakaɓerekerwa munyika, kana acimhura zita raJehoʋa unofanira kuʋurawa.[17] Munhu unoroʋa mumŋe, akafa, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa;[18] nomunhu unoroʋa cipfuwo, cikafa, unofanira kuciripa; ʋupenyu pacigaro coʋupenyu.[19] Kana munhu akamanikidza wokwake, seɀaakaita iye, unofanira kuitirwa ʋo;[20] kuvunika kucatsibga nokuvunika, ziso neziso, zino nezino, seɀaakamanikidza mumŋe, naiye unofanira kuitirwa saiɀoɀo.[21] Munhu unoʋuraya cipfuwo, unofanira kuripa; unoʋuraya munhu, unofanira kuʋurawa.[22] Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete kumutorwa kana kunowakaɓerekerwa panyika; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.[23] Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakaɓuɗisa mutuki kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naMosesi.

2 Samueri 12:13
Ipapo Davidi akati kunaNatani: Ndatadzira Jehova. Natani akati kunaDavidi: Jehova wakaŋganwira ʋo ɀiʋi ɀako; hauŋgafi.

VaRoma 5:8
Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi.

Dheuteronomio 5:17
Usaʋuraya.

Ruka 23:33
Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe.

Mateu 7:1
Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa;

Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018