1 VaKorinte 13:7 |
runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose. |
|
1 Petro 5:7 |
kandirai pamsoro pake kufuŋganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuceŋgetai. |
|
1 Samueri 16:7 |
Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo. |
|
2 VaKorinte 5:7 |
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuʋona; |
|
2 VaKorinte 12:9 |
Iye akati kwandiri: Nyasha dzaŋgu dzinokuriŋgana; nokuti simba raŋgu rinozadziswa paʋutera bgako. Naiɀoɀo ɀirinani kuti ndiɀirumbidze nomufaro mukuru noʋutera bgaŋgu, kuti simba raKristu rigare pamsoro paŋgu. |
|
VaHebheru 13:5 |
Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai neɀamunaɀo; nokuti iye amene wakati: Handiŋgatoŋgokuregeri, handiŋgatoŋgokusiyi. |
|
Isaya 6:1 |
Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaʋona Ishe agere pacigaro coʋushe, cirefu cakakwirira, mipendero yeŋguʋo dzake icizadza tembere. |
|
Isaya 41:10 |
usatya, nokuti ndinewe; usavunduka, nokuti ndiri Mŋari wako; ndicakusimbisa, ɀirokwaɀo, ndicakuɓatsira; ɀirokwaɀo, ndicakutsigira noruʋoko rwaŋgu rworudyi rwokururama. |
|
Isaya 57:15 |
Nokuti ɀanzi noWakakwirira Urikumsoro, unogara mukusiŋgaperi, unezita rinonzi Dɀene: Ndinogara pakakwirira napanɀimbo tȿene, ʋuye nounomŋeya wakapxanyika unoɀininipisa, kuti ndiponese ɀe mŋeya wounoɀininipisa, ndiponese ɀe mŋoyo wowakapxanyika. |
|
Jeremiya 29:11 |
Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. |
|
John 3:16 |
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. |
|
John 12:40 |
Wakapofumadza meso aʋo, akawomesa mŋoyo yaʋo; Kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋadzoke, Ndiʋaporese. |
|
John 14:1 |
Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. |
|
John 14:27 |
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. |
|
John 16:33 |
Ndakareʋa iɀoɀi kwamuri, kuti muʋe norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsuŋgai mŋoyo, ini ndakakunda nyika. |
|
Ruka 24:38 |
Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu? |
|
Mako 11:23 |
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo. |
|
Mateu 5:8 |
Ʋakaropafadzwa ʋakacena pamŋoyo; nokuti ʋacaʋona Mŋari. |
|
Mateu 11:28 |
Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai. |
|
Zvirevo 3:5 |
Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. |
|
Mapisarema 34:18 |
Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika, Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika. |
|
Mapisarema 51:17 |
Ɀiɓayiro ɀaMŋari mŋeya wakaputsika; Mŋoyo wakaputsika nowakapxanyika, imi Mŋari hamuŋgaushoʋori. |
|
Mapisarema 55:22 |
Kandira mutoro wako pamsoro paJehova, iye ucakusimbisa; Haaŋgatoŋgotenderi wakarurama kuti azunuŋguswe. |
|
Mapisarema 147:3 |
Unoporesa ʋanemŋoyo yakaputsika, Unosuŋga maʋaŋga aʋo. |
|
Zvakazarurwa 21:4 |
Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’ po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’ po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura. |
|
VaRoma 8:28 |
Tinoziʋa kuti ɀinhu ɀose ɀinoɓatirana kuti ɀiitire ɀakanaka aʋo ʋanoɗa Mŋari, aʋo ʋakaɗanwa seɀaakafuŋga. |
|
VaRoma 12:2 |
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. |
|
Zvirevo 4:23 |
Ceŋgeta mŋoyo wako kupfuʋura ɀose ɀinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndi’mo muneɀituɓu ɀoʋupenyu. |
|
Zvirevo 3:5-6 |
[5] Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.[6] Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. |
|
1 VaKorinte 6:19-20 |
[19] Hamuziʋi here kuti muʋiri wenyu itembere yoMŋeya Mutȿene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMŋari? Hamuzi ʋenyu;[20] nokuti makateŋgwa nomuteŋgo; naiɀoɀo kudzai Mŋari mumuʋiri wenyu. |
|
VaFiripi 4:6-7 |
[6] Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga.[7] Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. |
|
Mateu 11:28-30 |
[28] Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai.[29] Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu.[30] Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira. |
|
Mapisarema 34:1-22 |
[1] Pisarema raDavidi, paŋguʋa yaakaɀiita ɓenzi pamberi paAbimereki, akadziŋgwa naye, akaenda hake. Ndicarumbidza Jehova ŋguʋa dzose; Rumbidzo yake icagara mumuromo maŋgu.[2] Mŋeya waŋgu ucaɀirumbidza munaJehova; Ʋanyoro ʋacaɀinzwa, ʋakafara.[3] Kudzai Jehova pamŋe cete neni, Ŋgatikudzise zita rake pamŋe cete.[4] Ndakatȿaka Jehova, akandipindura, Akandisunuŋgura pakutya kwaŋgu kwose.[5] Ʋakatarira kwaari, ʋakapenyeswa nomufaro; Ɀiso ɀaʋo haɀiŋgatoŋgonyadziswi.[6] Murombo uyu wakacema, Jehova akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.[7] Mutumŋa waJehova unokomberedza ʋanomutya, Nokuʋarwira.[8] Raʋirai henyu, muʋone kuti Jehova wakanaka; Wakakomborerwa munhu unoʋimba naye.[9] Ityai Jehova, imi ʋatȿene ʋake; Nokuti ʋanomutya haʋana‐caʋanoshaiwa.[10] Ʋana ʋeshumba ʋanoshaiwa, ʋanofa nenzara; Asi ʋanotȿaka Jehova haʋanecinhu cakanaka caʋaŋgashaiwa.[11] Ʋuyai imi ʋana, munditerere; Ndicakudzidzisai kutya Jehova.[12] Ndoupi munhu unoɗa ʋupenyu, Unoɗa mazuʋa mazhinji, kuti aʋone ɀakanaka?[13] Dzora rurimi rwako pakutaura ɀakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura ɀinonyeŋgera.[14] Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka; Tȿaka rugare, uruteʋere.[15] Meso aJehova anotarira ʋakarurama, Ʋuye nzeʋe dzake dzinonzwa kucema kwaʋo.[16] Ciso caJehova cinoʋeŋga ʋanoita ɀakaipa, Kuti abvise ciyeʋudziro caʋo panyika.[17] Ʋakarurama ʋakaɗana, Jehova akanzwa, Akaʋarwira panjodzi dzaʋo dzose.[18] Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika, Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika.[19] Wakarurama unamaɗambudzo mazhinji; Asi Jehova unomurwira aɓuɗe paari ose.[20] Unoceŋgeta mafupa ake ose; Hakuna‐nerimŋe rawo rinovuniwa.[21] Ɀakaipa ɀicaʋuraya wakaipa; Ʋuye ʋanoʋeŋga ʋakarurama ʋacapiwa mhoȿa.[22] Jehova unodzikinura mŋeya yaʋaranda ʋake; Hapana‐nomumŋe kunaʋanoʋimba naye ucapiwa mhoȿa. |
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |