|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
Tsvaga
|
|
Ruka 15:7 |
Naizvozvowo ndinokuudzai kuti pachava nomufaro mukuru kudenga wokufarira mutadzi mumwechete anopinduka kupfuura kufarirwa kunoitwa makumi mapfumbamwe ana vapfumbamwe avanhu vakarurama vasina chavangadire kupinduka.
|
Mabasa 21:17 |
Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro.
|
VaRoma 15:32 |
Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu.
|
2 VaKorinte 8:2 |
nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira.
|
VaFiripi 1:4 |
pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro
|
VaFiripi 2:29 |
Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai
|
VaHebheru 10:34 |
Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi.
|
VaHebheru 12:2 |
takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.
|
Zvakazarurwa 18:20 |
Imi matenga nemi vatsvene nemi vapositori nemi vaporofita ritii, ‘Tsvatu waro.’ Itii nomufaro kwariri, ‘Tsvatu waro.’ Nokuti Mwari akaripa chirango pamusoro pezvarakakuitirai.”
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |
|