|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
Tsvaga
|
|
John 2:24 |
Asi Jesu haana kuvimba navo nokuti aiziva vanhu vose.
|
2 VaKorinte 1:9 |
Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa.
|
2 VaKorinte 8:22 |
Pamwechete naivava tiri kutumira hama yedu yatakaedza kazhinji tikaona ari munhu ane chido chokuita zvinhu mune zvizhinji asi ava nechido chakatonyanya zvino kupfuura kare pamusana pokuvimba kukuru kwaanako nemi.
|
VaFiripi 3:4 |
kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda.
|
1 Timoti 6:17 |
Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |
|