Mateu 9:22 |
Jesu akatendeuka uye akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
|
Mateu 10:1 |
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
|
Mateu 12:10 |
uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
|
Mako 5:34 |
Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
|
Mako 10:52 |
Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.
|
Ruka 8:48 |
Ipapo iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
|
Ruka 9:1 |
Jesu akati aunganidza vadzidzi vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni nokuporesa zvirwere,
|
Ruka 9:2 |
akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari nokuporesa vairwara.
|
Ruka 9:6 |
Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
|
Ruka 13:32 |
Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’
|
Ruka 14:3 |
Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”
|
Ruka 17:19 |
Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
|
Ruka 18:42 |
Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
|
Mabasa 9:34 |
Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzviwaririre nhoo dzako.” Pakarepo Eniasi akasimuka.
|
1 VaKorinte 12:9 |
mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,
|
1 VaKorinte 12:28 |
Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyanasiyana.
|
1 VaKorinte 12:30 |
Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
|
Zvakazarurwa 22:2 |
pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.
|
Shona Bible (BDSC) 2005 |
Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.® |