Mateu 14:26 |
Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya.
|
Mako 4:41 |
Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?
|
Ruka 1:12 |
Zakaria akamanikidzwa acimuʋona; kutya kukamuwira.
|
Ruka 1:65 |
Kutya kukawira ʋose ʋakaŋga ʋagere naʋo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudea.
|
Ruka 2:9 |
Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru.
|
Ruka 4:36 |
Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa.
|
Ruka 7:16 |
Ʋakaɓatwa ʋose nokutya; ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Muprofita mukuru wakamuka pakati peɗu; ʋuye ɀe: Mŋari wakashanyira ʋanhu ʋake.
|
Ruka 8:37 |
Ʋanhu ʋose ʋenyika yakapoteredza yaʋaGerasa ʋakakumbira kwaari kuti abve kwaʋari, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
|
Ruka 12:5 |
Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye.
|
Ruka 19:21 |
Nokuti ndakaŋga ndicikutyai, ɀamuri munhu unehasha, munotora ɀamusakaisa’po, munoceka ɀamusakakusha.
|
Ruka 21:26 |
ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka.
|
Ruka 24:5 |
ɀino nokutya kwaʋo ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo, iʋo ʋakati kwaʋari: Munotȿakireiko mupenyu pakati paʋakafa?
|
John 14:27 |
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
|
John 19:8 |
Ɀino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.
|
John 19:38 |
Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake
|
John 20:19 |
Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri!
|
Mabasa 2:43 |
Ʋanhu ʋose ʋakaɓatwa nokutya; ɀinoshamisa ɀizhinji neɀiratidzo ɀikaitwa naʋaapostora.
|
Mabasa 5:5 |
Ananiasi, wakati acinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akaɓuɗisa mŋeya wake; kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaɀinzwa.
|
Mabasa 5:11 |
Kutya kukuru kukawira kereke yose naʋose ʋakaɀinzwa.
|
Mabasa 9:6 |
Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita.
|
Mabasa 20:20 |
kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose;
|
Mabasa 20:27 |
Nokuti handina‐kutya kukuparidzirai kuɗa kwose kwaMŋari.
|
VaRoma 3:18 |
Kutya Mŋari haku’po pamberi paʋo.
|
VaRoma 13:7 |
Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa.
|
1 VaKorinte 2:3 |
Ndakaŋga ndiri pakati penyu noʋutera, nokutya, nokuɗeɗera kukuru,
|
2 VaKorinte 5:11 |
Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu.
|
2 VaKorinte 7:1 |
Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari.
|
2 VaKorinte 7:5 |
Nokuti takati taȿika Makedonia, nyama yeɗu haina‐kuzorora, asi takatambudzika pamatiʋi ose; kunze kwaiʋa nokukakaʋara, mukati maiʋa nokutya.
|
2 VaKorinte 7:11 |
Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici
|
2 VaKorinte 7:15 |
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, aciraŋgarira kuterera kwenyu mose, pamakamugamucira napo nokutya nokuɗeɗera.
|
VaEfeso 6:5 |
Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu;
|
VaFiripi 2:12 |
Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera;
|
2 Timoti 1:7 |
Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora.
|
VaHebheru 2:15 |
agosunuŋgura aʋo ʋaiʋa ʋaranda paʋupenyu bgaʋo bgose nokuɗa kwokutya rufu.
|
VaHebheru 4:1 |
Naiɀoɀo, cipikirwa cokupinda muzororo rake ɀacici’po, tinofanira kutya kuti ɀimŋe kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucawanikwa asiŋgaȿiki ikoko.
|
VaHebheru 5:7 |
Iye, pamazuʋa enyama yake, wakaʋuya kunaiye wakaŋga acigona kumurwira parufu, neminyeŋgetero nemikumbiro, acicema nokucema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuɗa kwokutya kwake Mŋari;
|
VaHebheru 11:7 |
Nokutenda Noa wakati anyeʋerwa pamsoro peɀinhu ɀicigere kuʋonekwa, akagadzira areka nokutya Mŋari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhoȿa naɀo, akagara nhaka yokururama kunoʋuya nokutenda.
|
VaHebheru 11:23 |
Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo.
|
VaHebheru 12:28 |
Saka, ɀatinopiwa ʋushe bgusiŋgazunuŋguki, ŋgatiʋe nokuʋoŋga, kuti tishumire Mŋari nako, ticimufadza nokukudza nokutya.
|
1 Petro 2:18 |
Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo.
|
1 Petro 3:2 |
kana ʋaciʋona mufambire wenyu, wakacena pamŋe cete nokutya Mŋari.
|
1 Petro 3:15 |
Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya;
|
1 Johani 4:17 |
Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino.
|
1 Johani 4:18 |
Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo.
|
Judha 1:23 |
muʋaponese muciʋabvuta pamŋoto; ʋamŋe muʋe neŋgoni naʋo nokutya, muciʋeŋga kunyaŋge neŋguʋo yakaȿiɓiswa nenyama.
|
Zvakazarurwa 11:11 |
Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona.
|
Zvakazarurwa 15:4 |
Ndianiko uŋgarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutȿene; nokuti marudzi ose acaʋuya, acinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.
|
Zvakazarurwa 18:10 |
iʋo ʋamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋaciti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Babironi, guta rakasimba! Nokuti kutoŋgwa kwako kwakaȿika neŋguʋa imŋe.
|
Zvakazarurwa 18:15 |
Ʋateŋgesi ʋeɀinhu iɀi, ʋakaŋga ʋafumiswa naro, ʋacamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋacirira nokucema,
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |