1 |
Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. |
2 |
Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. |
3 |
Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa. |
4 |
Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava. |
5 |
Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira. |
6 |
Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu. |
7 |
Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari. |
8 |
Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero. |
9 |
Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa |
10 |
akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi? |
11 |
Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko. |
12 |
Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi. |
13 |
Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu. |
14 |
Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi. |
15 |
Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.” |
16 |
Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai |
17 |
Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake. |
18 |
Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje. |
19 |
Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo |
20 |
kwamakore mazana mana anamakumi mashanu. Mushure maizvozvo akavapa vatongi kusvika pana muporofita Samueri. |
21 |
Vakazokumbira kuti vave namambo Mwari akavapa Sauro mwana waKishi murume wedzinza raBhenjamini kwamakore makumi mana. |
22 |
Paakamubvisa akamutsa Dhavhidhi kuti ave mambo wavo waakataura pachena achiti, ‘Ndakawana muna Dhavhidhi mwana waJese munhu wapamwoyo pangu achaita zvose zvandinoda.’ |
23 |
Muzvizvarwa zvomunhu uyu, Mwari akaunza kuIsiraeri mununuri Jesu sokutsidza kwaakanga aita. |
24 |
Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe. |
25 |
Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’ |
26 |
“Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. |
27 |
Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. |
28 |
Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. |
29 |
Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. |
30 |
Asi Mwari akamumutsa kuvafi. |
31 |
Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu. |
32 |
“Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu |
33 |
izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’ |
34 |
Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’ |
35 |
Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’ |
36 |
Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. |
37 |
Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. |
38 |
Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. |
39 |
Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. |
40 |
Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti: |
41 |
‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ” |
42 |
Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera. |
43 |
Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. |
44 |
Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari. |
45 |
VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba. |
46 |
Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi. |
47 |
Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ” |
48 |
Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda. |
49 |
Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. |
50 |
Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. |
51 |
Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. |
52 |
Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |
|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
Mabasa 13:1 |
Mabasa 13:2 |
Mabasa 13:3 |
Mabasa 13:4 |
Mabasa 13:5 |
Mabasa 13:6 |
Mabasa 13:7 |
Mabasa 13:8 |
Mabasa 13:9 |
Mabasa 13:10 |
Mabasa 13:11 |
Mabasa 13:12 |
Mabasa 13:13 |
Mabasa 13:14 |
Mabasa 13:15 |
Mabasa 13:16 |
Mabasa 13:17 |
Mabasa 13:18 |
Mabasa 13:19 |
Mabasa 13:20 |
Mabasa 13:21 |
Mabasa 13:22 |
Mabasa 13:23 |
Mabasa 13:24 |
Mabasa 13:25 |
Mabasa 13:26 |
Mabasa 13:27 |
Mabasa 13:28 |
Mabasa 13:29 |
Mabasa 13:30 |
Mabasa 13:31 |
Mabasa 13:32 |
Mabasa 13:33 |
Mabasa 13:34 |
Mabasa 13:35 |
Mabasa 13:36 |
Mabasa 13:37 |
Mabasa 13:38 |
Mabasa 13:39 |
Mabasa 13:40 |
Mabasa 13:41 |
Mabasa 13:42 |
Mabasa 13:43 |
Mabasa 13:44 |
Mabasa 13:45 |
Mabasa 13:46 |
Mabasa 13:47 |
Mabasa 13:48 |
Mabasa 13:49 |
Mabasa 13:50 |
Mabasa 13:51 |
Mabasa 13:52 |
|
|
|
|
|
|
Mabasa 1 / Mab 1 |
Mabasa 2 / Mab 2 |
Mabasa 3 / Mab 3 |
Mabasa 4 / Mab 4 |
Mabasa 5 / Mab 5 |
Mabasa 6 / Mab 6 |
Mabasa 7 / Mab 7 |
Mabasa 8 / Mab 8 |
Mabasa 9 / Mab 9 |
Mabasa 10 / Mab 10 |
Mabasa 11 / Mab 11 |
Mabasa 12 / Mab 12 |
Mabasa 13 / Mab 13 |
Mabasa 14 / Mab 14 |
Mabasa 15 / Mab 15 |
Mabasa 16 / Mab 16 |
Mabasa 17 / Mab 17 |
Mabasa 18 / Mab 18 |
Mabasa 19 / Mab 19 |
Mabasa 20 / Mab 20 |
Mabasa 21 / Mab 21 |
Mabasa 22 / Mab 22 |
Mabasa 23 / Mab 23 |
Mabasa 24 / Mab 24 |
Mabasa 25 / Mab 25 |
Mabasa 26 / Mab 26 |
Mabasa 27 / Mab 27 |
Mabasa 28 / Mab 28 |