1 |
Vadikanwi regai kungotenda mweya wose wose, asi edzai mweya iyoyo muone kuti inobva kuna Mwari here nokuti vaporofita venhema vazhinji vapararira nenyika. |
2 |
Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari. |
3 |
Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano. |
4 |
Vanangu imi muri vanhu vaMwari, imi makatovakurira Nokuti iye ari mamuri mukuru kupinda satani ari pasi pano. |
5 |
Ivo ndevepasi pano naizvozvo zvavanotaura ndezvapasi pano uye nyika inovateerera. |
6 |
Isu tiri vanhu vaMwari, anoziva Mwari anotiteerera, asiri waMwari haatiteereri. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi. |
7 |
Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. |
8 |
Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. |
9 |
Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. |
10 |
Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu. |
11 |
Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana. |
12 |
Hapana munhu ati amboona Mwari asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri uye rudo rwake matiri runobva rwazadziswa zvokuperera. |
13 |
Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari uye kuti Mwari agere abatana nesu ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake. |
14 |
Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. |
15 |
Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari. |
16 |
Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye. |
17 |
Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano. |
18 |
Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. |
19 |
Isu tine rudo nokuti akatanga kutida. |
20 |
Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona. |
21 |
Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti: Munhu anoda Mwari anofanirawo kuda mumwe wake.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |