1 |
Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. |
2 |
Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana — siyana |
3 |
nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. |
4 |
Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. |
5 |
Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. |
6 |
Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. |
7 |
Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, |
8 |
nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita. |
9 |
Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare |
10 |
ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. |
11 |
Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake. |
12 |
Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. |
13 |
Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. |
14 |
Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. |
15 |
Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu. |
16 |
Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa. |
17 |
Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. |
18 |
Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi kuti tive semichero yokutanga yezvisikwa zvake. |
19 |
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa |
20 |
nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. |
21 |
Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. |
22 |
Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza |
23 |
nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; |
24 |
nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. |
25 |
Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita. |
26 |
Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. |
27 |
Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |