1 |
Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka; |
2 |
vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose. |
3 |
Nokuti iyesuwo pachedu, takambenge takazungaira, tiri vanhu vasingateereri vakatetereka tiri varanda vehavi vanamafaro akasiyana — siyana tichipedzera mazuva edu muuipi neshanje tichivengwa navanhu uye isu tichivengana. |
4 |
Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu |
5 |
akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva |
6 |
nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu |
7 |
kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi. |
8 |
Izvi ndezvechokwadi. Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. |
9 |
Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo. |
10 |
Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye. |
11 |
Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva. |
12 |
Kana ndatumira Aritemasi kana kuti Tikikusi kwauri, edza nokwaunogona nako kose kuuya kwandiri kuNikoporisi; nokuti ndafunga zvokundopedza mwaka wechando ikoko. |
13 |
Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya. |
14 |
Vanhu veduwo ngavadzidze kuzvipira mumabasa akanaka kuti vabatsire pazvinhu zvinenge zvichifanira kuti zviitwe, kwete kungogara maoko. |
15 |
Vose vandinavo vanokukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida muchitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |