1 |
Kristu chaakatisunungurira kuti tive vanhu vakasununguka, nokudaro mirai zvakasimba murege kuzvipinzazve mujoko rouranda. |
2 |
Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri. |
3 |
Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo. |
4 |
Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai. |
5 |
Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira. |
6 |
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo. |
7 |
Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi. |
8 |
Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai. |
9 |
Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose. |
10 |
Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake. |
11 |
Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa. |
12 |
Ndingatoda kuti dai vari kukutambudzai ivavo vatozvigadzira ivo pachavo. |
13 |
Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo |
14 |
nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” |
15 |
Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana. |
16 |
Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri |
17 |
nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. |
18 |
Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. |
19 |
Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata |
20 |
nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana |
21 |
uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. |
22 |
Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka |
23 |
uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. |
24 |
Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. |
25 |
Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya. |
26 |
Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |