1 |
Kana mumwe wenyu akanganisirwa nomumwe, angafunge here chokwadi kuenda kumatare avanhu vasiri vanamati, panze pokuenda kuna vatsvene? |
2 |
Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro? |
3 |
Hamuzivi here kuti tisu tichatonga vatumwa; kokutozoti nyaya dzoupenyu huno? |
4 |
Zvino kana muine nyaya dzakadaro munodziendeserei kuna vanhu vasingaverengwi nesangano? |
5 |
Ndinotaura izvi kwamuri kuti munyare. Ndizvo here kuti hapana munhu pakati penyu mungwaru anogona kuenzanisa hama nehama? |
6 |
Asi hama iri kutokwirirana matare neimwe hama pamberi pavasiri vatendi. |
7 |
Kukwirirana matare kukundikana ikoko. Zvinodii zvazvo kusva watakura zvako zvaunotadzirwa? Unodii kusva wanyengedzwa zvako? |
8 |
Asi iyemi pachenyu ndimi munoita zvakaipa muchibiridzira, muchitoita izvozvo kunyange kuhama dzenyu. |
9 |
Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume, |
10 |
kana mbavha, kana vano ruchiva, kana zvidhakwa kana vanyombi kana makororo vanokwanisa kupinda muumambo hwaMwari. |
11 |
Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe venyu asi makashambidzwa mukaitwa vatsvene, mukaruramiswa muzita raTenzi Jesu Kristu uye muna Mweya waMwari wedu. |
12 |
Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi hazvisi zvose zvinobatsira Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho. |
13 |
Chokudya chakaitirwa dumbu dumbu rakaitirwa chokudya. Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri Muviri hausi wounzenza asi ndowaTenzi, Tenziwo ndewe muviri |
14 |
Mwari akamutsa Tenzi uye achatimutsawo nesimba rake. |
15 |
Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. |
16 |
Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” |
17 |
Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye |
18 |
Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake. |
19 |
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri. |
20 |
Makatengwa nomutengo. Naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |