1 |
Ini Pauro ndakadaidzwa kuti ndive mupositori waKristu Jesu, chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai ini pamwechete nehama Sositenesi, |
2 |
imi vesangano raMwari riri kuKorinde, rinemi vanhu vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, imi makadaidzwa kuva varurami pamwechete navose vanodaidzira kose kose muzita raTenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wavo neweduwo. |
3 |
Chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare dai changova nemi chichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. |
4 |
Ndinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapihwa muna Kristu Jesu, |
5 |
kuti muna zvose makapfumiswa maari zvokuti munogona kutaura uye munoziva zvose. |
6 |
Uchapupu hwaKristu hwakasimbisiswa mamuri, |
7 |
zvokuti hapana chipo chezvomweya chamusina pamunenge makamirira kuratidzwa pachena kwaTenzi wedu Jesu Kristu. |
8 |
Ndiye achakusimbaradzai kusvikira kumagumo kuti munge musina mhosva pazuva raTenzi wedu Jesu Kristu. |
9 |
Mwari akatendeka. Ndiye akakukokai kuti muve noruwadzano naMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu. |
10 |
Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. |
11 |
Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. |
12 |
Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? |
13 |
Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? |
14 |
Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi |
15 |
kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. |
16 |
Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. |
17 |
Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo. |
18 |
Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari |
19 |
nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.” |
20 |
Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? |
21 |
Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. |
22 |
VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. |
23 |
Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. |
24 |
Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. |
25 |
Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu. |
26 |
Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. |
27 |
Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. |
28 |
Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando |
29 |
kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. |
30 |
Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu. |
31 |
Saizvozvo, sokunyorwa kwazvakaitwa, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi.”
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |