1 |
Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. |
2 |
Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. |
3 |
Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka, |
4 |
nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa. |
5 |
Naizvozvo kuzviisa pasi kuya kunofanira kuitwa kwete kunzvenga chete kuranga kwaMwari asi nokuda kokuterera hana yako. |
6 |
Munoripa mutero nechikonzero chimwechetecho nokuti vatongi vashandi vaMwari vanoita basa irori. |
7 |
Varipei vose zvavanokodzera kuripwa. Kana uri mutero wapamunhu nomunhu ripai mutero iwoyo kana uri mutero wapazvinhu ripaiwo zvinofanira kuripwa muchikudza vanofanira kukudzwa nokuremekedza vanofanira kuremekedzwa. |
8 |
Usave nechikwereti nomunhu kusiya chokudanana nokuti munhu anoda mumwe wake azadzisa mutemo. |
9 |
Mitemo inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usachive nemimwe mitemo yose inobatanidzwa yose mushoko iri rinoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” |
10 |
Munhu worudo haatadziri mumwe wake. Naizvozvo rudo ndirwo runozadzisa mutemo. |
11 |
Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira. |
12 |
Usiku hwaendedzana, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza rokuzvidzivirira naro muhondo. |
13 |
Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. |
14 |
Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo.
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |