1 |
Pamazuva iwayo kwakauya Johani Muombeki achiparidza murenje reJudhea achiti, |
2 |
“Pindukai nokuti umambo hwedenga hwaswedera.” |
3 |
Uyu ndiye akanyorwa nezvake nomuporofita Isaya achiti, “Izwi raanodanidzira mugwenga achiti, ‘Gadzirirai Tenzi mugwagwa. Ruramisai nzira dzake.’ ” |
4 |
Johani aipfeka hanzu yakagadzirwa nemvere dzenghamera nebhande reganda muchiuno chake. Chokudya chake chaiva mhashu nouchi homusango. |
5 |
Jerusaremu neJudhea yose navanhu vomunharaunda yeJorodhani vakabuda vachienda kwaari |
6 |
vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. |
7 |
Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya? |
8 |
Naizvozvo berekai muchero unowirirana nokupinduka kwenyu. |
9 |
Regai kuzvifurira muchiti zvatina Abhurahamu sababa vedu muchechetere, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya. |
10 |
Zvino demo ratonanga parinotema midzi yemiti. Naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka uchatemwa uchikandwa mumoto. |
11 |
Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke. Asi arikuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kutakura shangu dzake; iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. |
12 |
Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake nokuunganidza koroni yake nokuiisa mudura. Asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” |
13 |
Jesu akabva kuGarirea achienda kurwizi rwaJorodhani kwaiva naJohani kundoombekwa naye. |
14 |
Johani aida kumurambidza achiti, “Ini ndini ndinofanira kuombekwa nemi. Zvino imi ndimi mouya kwandiri here?” |
15 |
Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.” |
16 |
Ndipo paakabvuma. Jesu paakangoombekwa akabva abuda mumvura pakarepo ndokubva matenga akazaruka kwaari akaona Mweya waMwari achiburuka akaita senjiva achisvikomhara paari. Hero izwi rakabva kudenga |
17 |
richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo anondifadza zvikuru.”
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |