1 |
Tenzi akati kuna Mosesi, |
2 |
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Ani naani wenyu muIsiraeri kana mutorwa agere nemi muIsiraeri anenge apira mwana wake kuna Moreki, ngaaurayiwe. Vanhu venyika iyoyo ngavamuteme namabwe afe. |
3 |
Ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake nokuti akapira mwana wake kuna Moreki akan'oresa nzvimbo yangu inoera, akashonhawo zita rangu rinoera. |
4 |
Kana vanhu venyika iyoyo vakamuona achipira mwana wake kuna Moreki vakanyarara zvavo, vakarega kumuuraya, |
5 |
ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo pamwechete nemhuri yake yose ndichavacheka ukama nevokwavo, iye pamwechete nevanomutevera pakuita senzenza dzokuteveredza Moreki.’ |
6 |
“Kana munhu akaenda kundobvunza vanosvikirwa kana vanoshopera achiita senzenza kuvateveredza, ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake. |
7 |
Naizvozvo zvitsaurei kuva vangu, muve vatsvene nokuti ini Tenzi ndini, Mwari wenyu. |
8 |
Chengetai mirao yangu muite zvainoreva ini Tenzi ndini ndinokuitai kuti muve vatsvene. |
9 |
“Ani naani zvake anoti dai baba wake kana amai vake vawana chinovawana, ngaaurayiwe nokuti anenge achida kuti baba wake kana kuti amai vawirwe norushambwa. Rufu rwake ndorwokuzviparira. |
10 |
“Kana murume aita upombwe nomudzimai womumwe, mhombwe iyoyo nomukadzi aita ufeve iyeyo, vose vari vaviri, vanofanira kutouraiwa. |
11 |
Murume anotorana nomukadzi wababa wake atozvidza baba wake. Murume iyeyo nomukadzi wacho vose zvavo vari vaviri vanofanira kutouraiwa Rufu rwavo nderwokuzviparira. |
12 |
Murume anotorana nomuroora wake, vose zvavo vari vaviri, vanofanira kuti vatouraiwa nokuti vaita makunakuna. Rufu rwavo nderwekuzviparira. |
13 |
Kana murume akatorana nomumwe murume akagara naye sokunge murume nomukadzi, vose zvavo vari vaviri vatoita chinhu chakaipa kwazvo, ngavaurayiwe. Rufu rwavo nderwekuzviparira. |
14 |
Kana murume akatorana nomukadzi achizotoranawo navambuya vake, uipi ihwohwo, iye naivo vanofanira kupiswa nomoto kuti pakati penyu parege kuva nouipi. |
15 |
Murume akaita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe, Mhuka iyoyo ngaiurayiwewo. |
16 |
Mukadziwo akaita chakaipa nemhuka ngaurayiwe. Mhuka iyoyo ngaiurayiwewo. Mukadzi iyeyo anofanira kuuraiwa pamwechete nemhuka iyoyo. Rufu rwavo nderwokuzviparira. |
17 |
“Kana murume akatorana nehanzvadzi yake, angave mwanasikana wababa wake nomumwe mukadzi kana kuti wamai vake nomumwe murume vakaonererana, chinhu chinonyadzisa, ngavachekwe ukama novokwavo nokuti akatorana nehanzvadzi yake, ndiye atozviparira. |
18 |
Kana murume akarara nomukadzi ari panguva yake yokutevera amunyadzisa nokumuonerera achiri kutevera uye achizviratidza panobva kutevera kwake. Vose zvavo vari vaviri ngavachekwe ukama nevokwavo. |
19 |
“Usatorane navatete vako, kana kutorana nomukoma kana munun'una waamai vako nokuti makunakuna iwayo, vanozviparira. |
20 |
Kana murume akatorana naamainini kana namaiguru vake, azvidza babamudiki kana kuti babamukuru wake, chitadzo chavo ichocho ndechokuzviparira vachafa vasina mwana. |
21 |
Kana murume akatorana nomukadzi womukoma kana womunun'una wake atoita chinhu chakan'ora, ashora mukoma kana munun'una wake, vachashaya mbereko. |
22 |
“Munofanira kuteerera mirao yangu yose, nezvirevo zvangu zvose muzvichengete kuitira kuti nyika yekwandirikukuendesai kundogara irege kukurutsai. |
23 |
Musatevedzere tsika dzerudzi rwavanhu vandiri kufanokudzingirai imomo nokuti vaiita zvinhu zvose izvozvi, saka ndakavasema. |
24 |
Asi ini ndakakuudzai kuti, ‘Muchatora nyika yavo muchiita yenyu, nyika yakanaka inoerera uchi nomukaka. Ini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndakakutsaurai mukati medzimwe ndudzi.’ |
25 |
Naizvozvo imi zivai kusiyanisa mhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora, neshiri dzakan'ora nedzisina kun'ora. Musazvin'orese nemhuka kana neshiri kana nezvinhu zvipi nezvipi zvazvo zvizere panyika, dzandakakutsaurirai mudzizive kuti dzakan'ora. |
26 |
Ivai vatsvene kwandiri nokuti ini Tenzi ndiri mutsvene uyewo ndakakutsaurai mukati mendudzi dzevanhu kuti muve vangu. |
27 |
“Munhurume kana munhukadzi ari svikiro kana muroyi ngaauraiwe, ngavatakwe nemabwe. Rufu rwavo nderwokuzviparira.”
|
Shona Bible SCLB |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 |