1 |
Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, |
2 |
madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. |
3 |
Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. |
4 |
Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. |
5 |
Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. |
6 |
Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. |
7 |
Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kuvaHedheni. |
8 |
Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. |
9 |
Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, |
10 |
asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari. |
11 |
Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. |
12 |
Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. |
13 |
Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. |
14 |
Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa uye akava mutadzi. |
15 |
Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.
|
Shona Bible (BDSC) 2005 |
Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.® |