1 |
Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria. |
2 |
Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo. |
3 |
Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu. |
4 |
Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru. |
5 |
Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia. |
6 |
Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo. |
7 |
Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu. |
8 |
Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She. |
9 |
Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu. |
10 |
Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu. Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi. |
11 |
Kwazisai Herodhioni, hama yangu. Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She. |
12 |
Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She. |
13 |
Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo. |
14 |
Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo. |
15 |
Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo. |
16 |
Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai. |
17 |
Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. |
18 |
Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri. |
19 |
Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa. |
20 |
Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi. |
21 |
Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu. |
22 |
Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She. |
23 |
Gayosi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai. Erasitosi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai. |
24 |
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni. |
25 |
Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, |
26 |
asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, |
27 |
kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.
|
Shona Bible (BDSC) 2005 |
Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.® |