1 |
Ʋaɗikanwa, musatenda mŋeya yose, asi muidze mŋeya, kuti muʋone kana yakabva kunaMŋari; nokuti ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋakaɓuɗira munyika. |
2 |
Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari. |
3 |
Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika. |
4 |
Ʋana ʋaɗuku, imi, muri ʋaMŋari, makaʋakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. |
5 |
Iʋo ndoʋenyika, naiɀoɀo ʋanotaura saʋenyika, nenyika inoʋanzwa. |
6 |
Isu tiri ʋaMŋari; unoziʋa Mŋari, unotinzwa; usi waMŋari, haatinzwi. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo Mŋeya waɀokwaɗi, nomŋeya wokutsauka. |
7 |
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari. |
8 |
Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo. |
9 |
Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye. |
10 |
Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu. |
11 |
Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana. |
12 |
Hakunomunhu wakamboʋona Mŋari; kana ticiɗana, Mŋari unogara matiri, noruɗo rwake runokwaniswa matiri. |
13 |
Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa ɀoMŋeya wake, |
14 |
Isu takaʋona, ʋuye tinopupura kuti Ƃaɓa ʋakatuma Mŋanakomana, kuti aʋe Muponesi wenyika. |
15 |
Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari. |
16 |
Nesu takaziʋa, tikatenda ruɗo urwu, Mŋari rwaanarwo kwatiri. Mŋari ruɗo; unogara muruɗo, unogara munaMŋari, naMŋari maari. |
17 |
Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino. |
18 |
Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo. |
19 |
Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa. |
20 |
Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona? |
21 |
Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoɗa Mŋari, ŋgaaɗe ʋo hama yake.
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |
|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
1 Johani 4:1 |
1 Johani 4:2 |
1 Johani 4:3 |
1 Johani 4:4 |
1 Johani 4:5 |
1 Johani 4:6 |
1 Johani 4:7 |
1 Johani 4:8 |
1 Johani 4:9 |
1 Johani 4:10 |
1 Johani 4:11 |
1 Johani 4:12 |
1 Johani 4:13 |
1 Johani 4:14 |
1 Johani 4:15 |
1 Johani 4:16 |
1 Johani 4:17 |
1 Johani 4:18 |
1 Johani 4:19 |
1 Johani 4:20 |
1 Johani 4:21 |
|
|
|
|
|
|
1 Johani 1 / 1Joh 1 |
1 Johani 2 / 1Joh 2 |
1 Johani 3 / 1Joh 3 |
1 Johani 4 / 1Joh 4 |
1 Johani 5 / 1Joh 5 |