1 |
Saiɀoɀo, imi ʋakadzi, iʋai pasi paʋarume ʋenyu; kuti kunyaŋge kana ʋamŋe ʋasiŋgatereri shoko, ʋadzorwe nomufambire waʋakadzi ʋaʋo pasineshoko rinorebga, |
2 |
kana ʋaciʋona mufambire wenyu, wakacena pamŋe cete nokutya Mŋari. |
3 |
kushoŋga kwenyu ŋgakurege kuʋa kwokunze, kwokuruka vudzi, nokushoŋga ndarama, kana kupfeka ŋguʋo; |
4 |
asi ŋgakuʋe munhu wakaʋanzika womŋoyo, wakashoŋga ɀisiŋgaʋori ɀomŋeya munyoro wakanyarara, unokosha, ɀikuru pamberi paMŋari. |
5 |
Nokuti saiɀoɀo ʋo kare ʋakadzi ʋatȿene, ʋaitarira kunaMŋari, ʋakaɀishoŋgedza, ʋaciɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, |
6 |
saSara waiterera Abrahama, acimuidza ishe; maʋa ʋana ʋake ɀino, kana muciita ɀakanaka, musiŋgatyiswi necinhu cipi necipi cinovundusa. |
7 |
Saiɀoɀo imi ʋarume, garai naʋakadzi ʋenyu nokuziʋa, mucikudza mukadzi muciti ndiye mudziyo unesimba ɗuku kwamuri, ɀaʋari ʋadyi ʋenhaka dzenyasha dzoʋupenyu pamŋe cete nemi; kuti minyeŋgetero yenyu irege kudziʋiswa. |
8 |
Pakupedzisira, muʋe nomŋoyo mumŋe mose, munzwirane ŋgoni, muɗe hama, muʋe nomŋoyo munyoro, muɀininipise; |
9 |
musiŋgatsiʋi ɀakaipa neɀakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndiɀo ɀamakaɗanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. |
10 |
Nokuti, Uyo, unoɗa ʋupenyu, Nokuʋona mazuʋa akanaka, Ŋgaadzore rurimi rwake paneɀakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura ɀinonyeŋgera. |
11 |
Ŋgaanɀenge ɀakaipa, aite ɀakanaka; Ŋgaatȿake rugare, aruteʋere. |
12 |
Nokuti meso aShe ari pamsoro paʋakarurama, Nenzeʋe dzake pakukumbira kwaʋo. Asi ciso caShe ciri pamsoro paʋanoita ɀakaipa. |
13 |
Ndianiko ucakuitirai ɀakaipa, kana mucishiŋgairira ɀakanaka? |
14 |
Asi kana mucitambudzika nokuɗa kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwaʋo, ʋuye musakaŋganiswa. |
15 |
Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya; |
16 |
iʋai nehana yakanaka, kuti paʋanokucerai, iʋo ʋanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, ʋanyadziswe. |
17 |
Nokuti ɀirinani, kana kuri kuɗa kwaMŋari, kuti mutambudzike kana muciita ɀakanaka, pakuti kana muciita ɀakaipa. |
18 |
Nokuti naKristu wakatambudzika ʋo kamŋe cete pamsoro peɀiʋi, iye wakarurama nokuɗa kwaʋasakarurama, kuti atiise kunaMŋari; wakaʋurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamŋeya; |
19 |
mauri wakandoparidzira ʋo mŋeya iri pakusuŋgwa, |
20 |
yakaŋga isinakuterera kare, paŋguʋa iya mŋoyo murefu waMŋari ucimirira kugadzirwa kweareka pamazuʋa aNoa; mukati mayo ʋashoma, iʋo ʋanhu ʋasere, ʋakaponeswa nemvura. |
21 |
Naiwo mufananidzo worubapatidzo, runokuponesai ɀino, rusiŋgareʋi kubviswa kwetȿina yenyama, asi kutȿaka hana yakanaka kunaMŋari nokumuka kwaJesu Kristu; |
22 |
iye uri kurudyi rwaMŋari; wakapinda kuɗeŋga, ʋatumŋa namadzishe namasimba ɀikaiswa pasi pake.
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |
|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
1 Petro 3:1 |
1 Petro 3:2 |
1 Petro 3:3 |
1 Petro 3:4 |
1 Petro 3:5 |
1 Petro 3:6 |
1 Petro 3:7 |
1 Petro 3:8 |
1 Petro 3:9 |
1 Petro 3:10 |
1 Petro 3:11 |
1 Petro 3:12 |
1 Petro 3:13 |
1 Petro 3:14 |
1 Petro 3:15 |
1 Petro 3:16 |
1 Petro 3:17 |
1 Petro 3:18 |
1 Petro 3:19 |
1 Petro 3:20 |
1 Petro 3:21 |
1 Petro 3:22 |
|
|
|
|
|
|
1 Petro 1 / 1Pet 1 |
1 Petro 2 / 1Pet 2 |
1 Petro 3 / 1Pet 3 |
1 Petro 4 / 1Pet 4 |
1 Petro 5 / 1Pet 5 |