1 |
Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari. |
2 |
Mutizarurirei mŋoyo yenyu; hatinakuitira munhu ɀisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina‐kunyeŋgera munhu. |
3 |
Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi. |
4 |
Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose. |
5 |
Nokuti takati taȿika Makedonia, nyama yeɗu haina‐kuzorora, asi takatambudzika pamatiʋi ose; kunze kwaiʋa nokukakaʋara, mukati maiʋa nokutya. |
6 |
Asi Mŋari, unonyaradza ʋakaʋora mŋoyo, wakatinyaradza nokuȿika kwaTito; |
7 |
handiti nokuȿika kwake ɓedzi, asi ʋo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamsoro penyu, acitiʋudza ɀecishuʋo cenyu, nokucema kwenyu, nokushiŋgaira kwenyu pamsoro paŋgu; saka ndakanyanya kufara. |
8 |
Nokuti kunyaŋge ndakakucemedzai neŋwadi yaŋgu, handiɀidyi mŋoyo; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɀidya mŋoyo haŋgu, ndinoʋona kuti ŋwadi iyo yakakucemedzai, asi yakaŋga iri ŋguʋa ɗuku hayo. |
9 |
Ɀino, handifari kuti makacemedzwa, asi nokuti makacemedzwa mukatendeʋuka; nokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, kuti murege kurashikirwa necinhu nokuɗa kweɗu. |
10 |
Nokuti kucema seɀinoɗa Mŋari kunoʋuyisa kutendeʋuka, kunoisa kukuponeswa kusiŋgaɀidyi mŋoyo; asi kucema kwenyika kunoʋuyisa rufu. |
11 |
Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici |
12 |
Ɀino, kana ndakakunyorerai, handina‐kuɀiita nokuɗa kwaiye wakaita ɀisakarurama, kana nokuɗa kwaiye wakaitirwa ɀisakarurama, asi kuti kushiŋgaira kwenyu nokuɗa kweɗu kuʋonekwe nemi mumene pamberi paMŋari. |
13 |
Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; ɀino pakunyaradzwa kweɗu takafara ɀikuru kwaɀo pamsoro pomufaro waTito, nokuti mŋeya wake wakasimbiswa nemi mose. |
14 |
Nokuti kana ndakaɀirumbidza necinhu kwaari pamsoro penyu, handina‐kunyadziswa; asi seɀatakataura kwamuri ɀose neɀokwaɗi, saiɀoɀo ʋo kuɀirumbidza kweɗu pamberi paTito kwakaʋonekwa kuti ndokwaɀokwaɗi. |
15 |
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, aciraŋgarira kuterera kwenyu mose, pamakamugamucira napo nokutya nokuɗeɗera. |
16 |
Ndinofara kuti paɀinhu ɀose ndiŋgakutendai.
|
Shona Bible 1949 |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |
|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
2 VaKorinte 7:1 |
2 VaKorinte 7:2 |
2 VaKorinte 7:3 |
2 VaKorinte 7:4 |
2 VaKorinte 7:5 |
2 VaKorinte 7:6 |
2 VaKorinte 7:7 |
2 VaKorinte 7:8 |
2 VaKorinte 7:9 |
2 VaKorinte 7:10 |
2 VaKorinte 7:11 |
2 VaKorinte 7:12 |
2 VaKorinte 7:13 |
2 VaKorinte 7:14 |
2 VaKorinte 7:15 |
2 VaKorinte 7:16 |
|
|
|
|
|
|
2 VaKorinte 1 / 2Kor 1 |
2 VaKorinte 2 / 2Kor 2 |
2 VaKorinte 3 / 2Kor 3 |
2 VaKorinte 4 / 2Kor 4 |
2 VaKorinte 5 / 2Kor 5 |
2 VaKorinte 6 / 2Kor 6 |
2 VaKorinte 7 / 2Kor 7 |
2 VaKorinte 8 / 2Kor 8 |
2 VaKorinte 9 / 2Kor 9 |
2 VaKorinte 10 / 2Kor 10 |
2 VaKorinte 11 / 2Kor 11 |
2 VaKorinte 12 / 2Kor 12 |
2 VaKorinte 13 / 2Kor 13 |