|
|
|
|
|
|
New Testament
|
|
|
|
Shona Bible 2009
|
|
|
|
1 |
Bhuku renhoroondo yamadzinza aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu. |
2 |
Abhurahamu wakabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navana vamai vake, |
3 |
Judha akabereka Faresi naZara kunaTamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami; |
4 |
Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni; |
5 |
Sarimoni akabereka Bhowazi kunaRahabhi, Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese; |
6 |
Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni ku\add mukadzi\add* \add waiva\add* waUria; |
7 |
Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa; |
8 |
Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi; |
9 |
Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia; |
10 |
Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiya; |
11 |
Josiya akabereka Jekonia navana vamai vake nenguva yavakatapirwa kuBhabhironi. |
12 |
Zvino shure kokutapirwa kuBhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri; |
13 |
Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori; |
14 |
Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimu; Akimi akabereka Eriyudhi; |
15 |
Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matan; Matani akabereka Jakobho; |
16 |
Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu. |
17 |
Naizvozvo mazera ose kubva kunaAbhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi, mazera anegumi namana, kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, mazera anegumi namana. |
18 |
Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai; apo mai vake Maria, wakati atsidzirana kuwanana naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene. |
19 |
Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari wakarurama, asingadi kumufumura, wakafunga kumuramba muchivande. |
20 |
Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waShe akavonekwa kwaari pakurota achiti: Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako, nokuti icho chakaberekwa maari ndecheMweya Mutsvene. |
21 |
Iye uchabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake \add kuti\add* Jesu, nokuti uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. |
22 |
Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naShe, nomuporofita achiti: |
23 |
Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu. |
24 |
Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akazvitorera mukadzi wake; |
25 |
asi haana kumuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, akatumidza zita rake \add kuti\add* Jesu. |
Shona Bible 2009 |
Copyrighted: No Info 2009 |