Bible Selection
|
|
Old Testament
|
|
New Testament
|
|
|
|
Shona Bible 2009
|
|
|
|
1 |
"Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu; |
2 |
kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji. |
3 |
Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi. |
4 |
"Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. |
5 |
Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. |
6 |
Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako, |
7 |
unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka. |
8 |
Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. |
9 |
Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako. |
10 |
"Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe, |
11 |
nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta, |
12 |
zvino chenjera kuti urege kukangamwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda. |
13 |
Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake. |
14 |
Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai, |
15 |
nokuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose. |
16 |
"Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa. |
17 |
Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira. |
18 |
Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, |
19 |
kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha. |
20 |
"Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, `Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?' |
21 |
Unofanira kuti kumwanakomana wako, `Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba; |
22 |
Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paIjipiti, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona; |
23 |
akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu. |
24 |
Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi. |
25 |
Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.' |
Shona Bible 2009 |
Copyrighted: No Info 2009 |