Bible Selection
|
|
Old Testament
|
|
New Testament
|
|
|
|
Shona Bible 2009
|
|
|
|
1 |
Shure kwaizvozvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTiberiasi; akazviratidza kudai: |
2 |
VanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Batya, naNatanieri weKana yeGariri, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vavadzidzi vake, vakanga vari pamwe chete. |
3 |
Simoni Petro akati kwavari: Ndondobata hove. Vakati kwaari: Nesu tinoendavo newe. Vakabuda vakapinda muchikepe pakarepo; asi vusiku ubwo havana-kubata chinhu. |
4 |
Zvino kwakati kwaidza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu. |
5 |
Zvino Jesu akati kwavari: Vana, mune chokudya here? Vakamupindura, \add vachiti\add*: Kwete. |
6 |
Akati kwavari: Kandai mumbure kurutivi rworudyi rwechikepe mugowana. Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kurukweva nokuwanda kwehove. |
7 |
Zvino mudzidzi uya waidikamwa naJesu akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake yokunze, nokuti wakanga asina kusimira, akazviwisira mugungwa. |
8 |
Asi vamwe vadzidzi vakavuya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure unehove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubhiti* anenge mazana maviri. |
9 |
Zvino vakati vachangosvika panyika, vakavona moto wamazimbe ipapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa. |
10 |
Jesu akati kwavari: Vuyai \add nedzimwe\add* dzehove dzamabata ikozvino. |
11 |
Simoni Petro akakwira akakwevera mumbure panyika, wakanga uzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka. |
12 |
Jesu akati kwavari: Vuyai mudye. Asi kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza \add kuti\add*: Ndimwi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe. |
13 |
Zvino Jesu wakauya, akatora chingwa, akavapa, nehovevo saizvozvo. |
14 |
Urwu rwaiva rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amuka kuvakafa. |
15 |
Zvino vakati vadya, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, waJona, unondida kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwayana angu, |
16 |
Akati kwaaarizve rwechipiri: Simoni waJona unondida here? akati kwaari Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu. |
17 |
Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu. |
18 |
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri muduku, waizvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achi\add ku\add*isa kwausingadi. |
19 |
Wakareva izvozvi, achitaridza kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino wakati areva izvozvo, akati kwaari: Nditevere. |
20 |
Petro akatendevuka akavona uya mudzidzi waidikamwa naJesu achitevera, ndiyevo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro akati: Ishe, ndianiko uchakupandukirai? |
21 |
Zvino Petro wakati achimuvona akati kunaJesu: Ishe, ko uyu? |
22 |
Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo? Nditevere iwe. |
23 |
Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi; asi \add wakati\add*: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe? |
24 |
Ndiyeyu mudzidzi unopupura zvinhu izvi, nokunyoravo zvinhu izvi; zvino tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi. |
25 |
Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwa naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti: Kunyange nenyika yose haizairingana bhuku dzinganyorwa. Amen. |
Shona Bible 2009 |
Copyrighted: No Info 2009 |