Bible Selection
|
|
Old Testament
|
|
New Testament
|
|
|
|
Shona Bible 2009
|
|
|
|
1 |
Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana koedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo. |
2 |
Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake. |
3 |
Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.' |
4 |
Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kokurira, vachiti, `Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.' |
5 |
"Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha. |
6 |
Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi. |
7 |
Nhai imwi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here? |
8 |
"Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguvo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa. |
9 |
Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoteerera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi. |
10 |
simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo. |
11 |
Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, `Ndichakuporofitira zvewaini nezvinomwiwa zvinobata,' ndiye achava muporofita wavanhu ava. |
12 |
"Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imwi mose, imwi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu. |
13 |
Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo." |
Shona Bible 2009 |
Copyrighted: No Info 2009 |