Bible Selection
|
|
Old Testament
|
|
New Testament
|
|
|
|
Shona Bible 2009
|
|
|
|
1 |
Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama. |
2 |
Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; |
3 |
usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake. |
4 |
Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari. |
5 |
Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura. |
6 |
Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake. |
7 |
Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa. |
8 |
Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama. |
9 |
Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti. |
10 |
Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo. |
11 |
Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. |
12 |
Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo. |
13 |
Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu. |
14 |
Undiitire mutambo katatu pagore. |
15 |
Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; |
16 |
uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda. |
17 |
Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore. |
18 |
Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana. |
19 |
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. |
20 |
Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. |
21 |
Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari. |
22 |
Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako. |
23 |
Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza. |
24 |
Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo. |
25 |
Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. |
26 |
Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako. |
27 |
Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose. |
28 |
Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako. |
29 |
Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira. |
30 |
Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako. |
31 |
Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako. |
32 |
Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo. |
33 |
Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri. |
Shona Bible 2009 |
Copyrighted: No Info 2009 |